Accessibility links

Breaking News

Kongiresi dzeMatunhu eMDC Dzovhiringidzwa neKurwisana kweNhengo dzeBato


Bato reMovement for Democratic Change (MDC) riri kutarisirwa kuita kongiresi yaro huru mwedzi unouya, asi kongiresi dzematunhu dziri kutoitwa.
Bato reMovement for Democratic Change (MDC) riri kutarisirwa kuita kongiresi yaro huru mwedzi unouya, asi kongiresi dzematunhu dziri kutoitwa.

Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa riri kuita misangano yekongiresi mumatunhu aro maduku ose, kana kuti ma district, risati rapinda mumakongiresi ematunhu makuru, kana kuti ma province.

Kana rapeta misangano yematunhu iyi, bato iri rinozoita kongiresi yaro huru yenyika yose mwedzi unouya.

Misangano yekongiresi iyi iri kushandiswa kusarudza hutungamiri hwematunhu aya kuburikidza nekuita sarudzo, idzo dzinokwikwidzana nhengo dzebato iri.

Asi zvinonzi misangano mizhinji yaitwa kusvika pari zvino haisi kufamba zvakanaka nekuda kwemhirizhonga, iyo iri kuona nhengo dzebato iri dzichirwisana zvinotyisa, zvekusvika pakukuvadzana.

Kurwisana uku kunonzi kuri kuitika pakati pezvikwata zvinonzi zviri kutsigira vanotarisirwa kukwikwidzana pakongiresi huru, mutungamiri webato VaNelson Chamisa, nemunyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora.

Mukupera kwesvondo, kurwisana uku kwakakanganisa sarudzo dzedunhu reChitungwiza, uko dzimwe nhengo dzinonzi dzakakuwara zvakaipisisa uye mapurisa akatosungawo vanhu vane chitsama vanosanganisira mumiriri weZengeza East muparamende, VaGoodrich Chimbaira.

Kudunhu reChegutu kunonzi kwakaitawo kuriwsana, izvo zvakaita kuti vanhu vana vasungwe nemapurisa, kuchitiwo kumatunhu eMasvingo, Sanyati neNorton kunonzi sarudzo dzakatadza kuenderera mberi zvakanaka nekuda kwemhirizhonga.

Vamwe vanoti kusagadzikana kuri mubato iri ndiko kwakakonzera kuti rikundwe musarudzo ye by-election kuBulawayo, uko MDC yakakundwa neZanu PF.

Vamwe muMDC vanoti kusagadzikana kuri mubato ravo kwakakonzerwa neZanu PF, iyo vanoti yakadira mari yekukanganisa kongiresi yavo, chiitiko chakarambwa neZanu PF.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti kunyange hazvo nhengo dzavo dzakarwisana, zvinovafadza ndezvekuti hapana kudeuka kweropa kwakaitika.

VaMafume vanoti bato ravo riri kuongorora nyaya dzemhirizhonga mumatunhu matatu, uye vanenge vawanikwa vaine mhosva vachatorerwa matanho anokodzera.

asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerukira kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti kurwisana kuri kuitika mubato rinopikisa iri mucherechedzo wekuti zvinhu hazvichina kumira zvakanaka.

Vanoti kupatsanuka kuri kuita MDC hakuna kutanga nhasi, zvekuti vanhu vemuZimbabwe zvatove kuvasemesa.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG