ZEC inonzi yazivisa kuti icharambidza rimwe sangano rakazvimirira reZimRights kuongorora sarudzo dzereferendamu nemusi weMugovera, sezvo rine nyaya iri kumatare edzimhosva ine chekuita nesarudzo
ZEC yazivisa kuti nemusi weChitatu iri kutumira vashandi makumi manomwe ezviuru vachange vachibatsira pamwe nekuona mafambiro ereferendamu iyi iyo ichaitwa mumatunhu ose emunyika
Dare resangano rinoona nezvekodzero dzevanhu muAfrica, reAfrican Commission on Human and People’s Rights, rinoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kubvumidza zvizvarwa zvayo vzose zviri kunze kwenyika kuvhota mureferendamu nemusarudzo.
Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vana veZimbabwe havachada bumbiro remitemo riripo iye zvino.
Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ari kukurudzira veruzhinji kutambira gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika pareferendamu.
Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti riri kushora zvikuru mashoko emapurisa ekuti moto wakaurayisa Christpowers Maisiri hauna kukandwa sebhambu repeturu.
VaGeorge Chiweshe varamba kutonga nyaya yakakwidzwa mudare nesangano reNational Constitutional Assembly vachiti mutemo hauvabvumidze kuita izvi.
Vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro vanonzi havasi kuwirirana padanho rekutora pamusoro pegwaro rebumbiro remitemo idzva.
Kukokwa kwakaitwa masangano pamwe nenyika dzekunze neboka reZEC kuzoongorora referendamu kwakonzera kusawirirana kukuru muhurumende yemubatanidzwa
Hurumende inonzi yazobudirira kuzadzisa chivimbiso chayo chekuwedzera vashandi vayo mari dzinofambirana nemitengo yezvinhu, kana kuti inflation-related increment
Amai Makone vanoti vaudza VaChihuri kuti zviri kuitwa nemapurisa hazvisi pamutemo, sezvo marhedhiyo aya asiri zviovhaovha, zvinganzi zvingashandiswa mukutaudzana kwevanhu vaviri
Magweta eNCA aendesa magwaro echimbichimbi kudare repamusoro reHigh Court achida kuti rimanikidze hurumende kuti iwedzere nguva yakapiwa vanhu kuti vazeye pamwe nekuona gwaro idzva rebumbiro remitemo risati raenda kureferendamu
Nyanzvi munyaya dzemitemo dziri kupesana zvikuru pamanyorerwo akaitwa gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika, vamwe vachiti chikamu chinobata nyaya yeminda, hachina kunyorwa zvakanaka.
VaTsvangirai vasangana muHarare nemasangano akazvimirira oga ari pasi peCrisis in Zimbabwe.
NCA iri kushora zvikuru mashoko ava VaPatrick Chinamasa ekuti vatsigiri veZanu PF vasateerera vemasangano akazvimirira vanenge vachida kudzidzisa vanhu nezvebumbiro remitemo idzva
Mapurisa ekuLaw and Order anga akapakata gwaro rinoabvumidza kusecha anonzi vabvongodza mahofisi esangano revechidiki reNational Youth Development Trust muBulawayo
Matambudziko evashandi vehurumende anenge acharamba achinetsa zvichitevera danho rinonzi rakatorwa nehurumende rekuramba kutambira chikwata chakanga chasarudzwa nevamwe muApex Council kuti chimirire vashandi munhaurirano dzemihoro
Kunyange hazvo COPAC iri kuti gwaro rebumbiro remitemo idzva rapera kunyorwa, masangano evechidiki ane maonero akasiyanasiyana panyaya yekodzero dzavo mugwaro iri
Nhengo dzose makumi maviri neshanu dzekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, dzasangana muHarare dzikatambira zviri pamutemo gwaro rebumbiro idzva.
Nhengo dzose makumi maviri neshanu dzekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, dziri kutarisirwa kusangana muHarare nemusi weChina kuti dzitambire zviri pamutemo gwaro rebumbiro idzva
Rodhai zvimwe