Accessibility links

Breaking News

MDC T Yopinda Muvanhu Ichitsvaga Rutsigiro paReferendamu


Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vana veZimbabwe havachada bumbiro remitemo riripo iye zvino.

VaTsvangirai vataura mashoko aya kumhomho yevanhu vaungana paMagamba Hall iri mumusha weWarren Park muHarare.

VaTsvangairai vati sezvo bumbiro riripo risisiri kudiwa, vanhu vanofanirwa kutambira gwaro rebumbiro idzva richavhoterwa pareferendamu.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vatiwo VaTsvangirai vakataurawo zvakare mashoko ekurudziro aya kumusangano wavakaita zvakare nemhomho yevanhu mumusha weGlen View neChitatu manheru.

Nyika iri kutarisirwa kuita referendamu musi wa 16 Kurume. Sangano reNational Constitutional Assembly nemamwe mapato ezvematongerwo enyika akaita seMavambo, MDC 99 nemamwe ari kukurudzira veruzhinji kuti vasatambire gwaro rebumbiro idzva pareferendamu ichaitwa.

Mapato aya pamwe nemasangano akazvimirira vakatotanga kare kuitawo zvirongwa zvekukurudzira vanhu kuti vasavhotera gwaro iri.


please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG