Accessibility links

Breaking News

Amai Makone naVaMohadi Vobvunzurudza VaChihuri Marhedhiyo Ari Kutorerwa Vanhu neMapurisa?


رابرٹ ڈاؤنی جونیئر ساڑھے سات کروڑ ڈالر کی آمدن کے ساتھ اول نمبر پر ہیں۔
رابرٹ ڈاؤنی جونیئر ساڑھے سات کروڑ ڈالر کی آمدن کے ساتھ اول نمبر پر ہیں۔
Makurukota ezvemukati menyika, Amai Theresa Makone, veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe naVaKembo Mohadi veZanu PF, vasangana nemukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri pamusoro penyaya yekutorwa kuri kuitwa nemapurisa marhediyo ari kupiwa vanhu nemasangano akazvimirira pamwe nebato reMDC T.

Amai Makone vanoti vaudza VaChihuri kuti zviri kuitwa nemapurisa hazvisi pamutemo, sezvo marhedhiyo aya asiri zviovhaovha, zvinganzi zvingashandiswa mukutaudzana kwevanhu vaviri.

Asi VaChihuri vanonzi vakumbira kuti nyanzvi dzavo dzimboongorora marhedhiyo aya kuti haasi kushandiswa here mukutaudzana kwevanhu zviri kunze kwemutemo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaMohadi panyaya iyi.

Zvichakadaro, mashoko atatambira anoti mapurisa adoma sangano reZimbabwe Peace Project, ZPP, nezita kuti harisi kushanda zviri pamutemo.

Zvinonzi mapurisa ari kupomerawo sangano iri mhosva yekupa vanhu marhedhiyo pamwe nekusora pamisangano inoitwa nebato reZanu PF. Zvinonziwo mapurisa ati anogona kusunga vanhu nenyaya idzi.

Izvi zvinonzi zvabuda pamusangano waitwa nemapurisa nevatori venhau muHarare wekuzeya mashandiro ari kuita masangano akazvimirira ari munyika.

Sachigaro webhodhi reZPP, Reverend Doctor Solomon Zwana, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vanzwa zvizere zvataurwa nemapurisa pamusangano uyu.

Asi vati zvishoma zvavanzwa izvozvo zvinoita kuti vashandi vesangano ravo vasagadzikana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG