Accessibility links

Breaking News

MDC T Yoshora Ongororo yeMapurisa yeKuramba Chakaurayisa Chirstpowers Maisiri


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora
Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti riri kushora zvikuru mashoko emapurisa ekuti moto wakaurayisa Christpowers Maisiri hauna kukandwa sebhambu repeturu, asi kuti wakakonzerwa nezvinhu zvakatanga kutsva mumba maive nevana vaVaShepherd Maisiri, nhengo yeMDC kuHeadlands. MDC inoti mapurisa akapiwa mazita evanhu vanofungidzirwa kuti ndivo vakapisa musha waVaMaisiri, asi haana matanho aakatora.

VaMwonzora vanoti zvinokatyamadza kuti mapurisa akatanga kuramba kuti moto uyu wakakonzerwa nemunhu asati ambotanga ongororo yechingadai chakaukonzera moto uyu. VaMwonzora vanoti mapurisa ane vanhu vari muZanu PF vaari kuedza kudzivirira.

Bato reMDC T rinotiwo rine chokwadi chekuti musha waVaMaisiri wakapiswa nevatsigiri veZanu PF uye rinotiwo munyika mave kutanga mhirizhonga yezvematongerwo enyika intyisa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Charity Charamba, vakazivisa mukupera kwesvondo kuti mapurisa pamwe nenyanzvi dzinoongorora tsaona havana chavakaona chinganongedza kuti moto uyu wakatangwa nemunhu. Asi vakati moto uyu hauna kukonzerwa nebhambu repeturu, asi kuti kuputika kwakaitika kubva kumishonga yefodya pamwe nefotereza zvaive mumba umu.

Vakatiwo mumba maive murere Christpowers nevamwe vana maive makachengeterwa mishonga yedonje, matsaga efotereza, mbatya nemagumbeze nezvimwe uye pedyo nefotereza iyi pakawanikwawo rambe reparafini.

Vachitaura vari kuBindura nemusi weMugovera, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaramba mashoko ekuti munyika mave kutanga mhirizhonga, vakati mabasa eMDC ekuda kusvibisa Zanu PF mumaziso enyika dzekunze.


please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG