Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Anoita Musangano naVaTsvangirai


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana muHarare nemasangano akazvimirira oga ari pasi peCrisis in Zimbabwe Coalition vakaaudza pamire hurumende pane zvakawanda zvinosanganisira nyaya yegwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika, referendamu pamwe nesarudzo.

Musangano uyu unonzi wazeyawo nyaya yekushungurudzwa kunonzi kuri kuitwa vemasangano akazvimirira nemapurisa, uye danho rebato reZanu PF rekurambidza masangano aya kuti ave nechekuita mukudzidziswa kwevanhu nezvebumbiro idzva.

VaTsvangirai vakakokwa nemasangano aya kuti vazvinzwire voga kwete kuita zvekunzwa munhau.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti VaTsvangirai varatidzawo kushushikana kwavo nekushungurudzwa kuri kuitwa vemasangano akazvimirira, vakati vakatokurukura nezvenyaya ini nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vatiwo nyaya iyi yakazeyiwa mudare remakurukota, iro rakazotuma makurukota ezvemukati menyika kuti aongorore nezvayo.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaThabani Nyoni, vanoti kunyange hazvo vatsanangurirwa zvizhinji zvezvaida kunzwa, vagutsikana nezvimwe zvakabva kuna VaTsvangirai, asi zvimwe zvinoda kuonekwa nemabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG