Accessibility links

Breaking News

ZEC Yotumira Vakokeri veReferendamu Zviuru Makumi Manomwe


ZEC
ZEC
Mugadziriro yereferendamu iri kutarisirwa kuitwa nemusi weMugovera, Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yazivisa kuti nemusi weChitatu iri kutumira vashandi makumi manomwe ezviuru vachange vachibatsira pamwe nekuona mafambiro ereferendamu iyi iyo ichaitwa mumatunhu ose emunyika neMugovera.

Vashandi ava, avo vanonzi vazhinji vavo vakabva muvashandi vehurumende, vachange vachishanda vari munzvimbo dzekuvhotera dzinoita zviuru zvipfumbamwe nemazana mana anemakumi mana nepfumbamwe.

Vakafanobata chigaro chasachigaro weZEC, Amai Joice Kazembe, vanoti boka ravo riri kutumira vanhu ava asi vakati kuti tizive zvakawanda, titaure naChief Elections Officer weZEC, VaLovemore Sekeramayi, avo vatiwo tiite zvekunyora mibvunzo yedu kwavari vasati vatipa mhinduro yavo

Mukuru weElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti vanotambira nemufaro huwandu hwevanhu vari kutumirwa neZEC ava, uye mafambiro ari kuita zvinhu pari zvino, pachitariswa mamiriro anga akaita zvinhu munyaya dzemari yekushandisa pareferendamu iyi.

Asi mutauriri wesangano reNational Constitutional Assembly, iro riri kukurudzira kuti vanhu varambe gwaro rebumbiro iri pareferendamu, VaMadock Chivasa, vanoti danho ratorwa neZEC iri harina zvarinoshandura sezvo hurongwa hwacho hwose husina kurongeka.

VaChivasa vanotiwo kunyange hazvo vaine nyaya iri kupinda mudare nemusi weChina, zvichabuda mudare iri hazvisi kuzovamisa mukukurudzira vanhu kuti vaende kunovhota neMugovera vachiramba kutambira gwaro rebumbiro iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG