WASHINGTON DC —
Mutungamiri wevatongi vematare, VaGeorge Chiweshe, varamba kutonga nyaya yakakwidzwa mudare nesangano reNational Constitutional Assembly, NCA, yekuti dare rimanikidze mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti vawedzere mazuva ekuti vanhu vadzidziswe nezvegwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika.
Vachipa mutongo wavo neChina, VaChiweshe vati mutemo hauvabvumidze kunzwa nyaya yakadai.
Gweta reNCA, VaAlec Muchadehama, vanoti vakatyamadzwa nedanho ratorwa naVaChiweshe iri, vakati zvisineyi hazvo vachakwidza nyaya yavo kudare reSupreme Court neChishanu.
Zvichakadaro, apo nyika yasarirwa nemasvondo maviri kuti zuva remusi wa 16 Kurume rakatarwa kuitwa referendamu risvike, vanhu vakawanda mumatunhu akasiyanasiyana enyika vari kuti havasati vawana mukana wekuona gwaro rebumbiro idzva iri, kanawo kuwana mukana wekudzidziswa pamusoro pezviri mugwaro iri.
Vamwe vakwanisa kuwana mukana wekuona pamwe nekudzidziswa pamusoro pegwaro iri kusvika pari zvino vanonzi vane maonero akasiyana siyana, vamwe vachiti dzidziso iyi yavabatsira kunzwisisa nezvegwaro iri, vamwewo vachiti hapana zvikuru zvavawana, sezvo vasiri kuzowana mukana wekuve negwaro rebumbiro iri kuti vagozozviverengera voga.
COPAC inonzi yakangodhinda magwaro zviuru makumi mapfumbamwe chete, kunyange hazvo yakazodhinda mamwe muzvidimbu.
Mamwewo masangano, kusanganisira reNCA, ari kuti nguva yekuti vanhu vadzidziswe nezvegwaro iri ipfupi chose, izvo zvakaita kuti sangano iri rikwire kudare repamusoro richida kuti nguva iyi iwedzerwe.
Chipangamazano muNCA, VaBlessing Vava, vanoti sangano ravo riri kuda kuti vanhu vapiwe nguva sezvakaitwa pareferendamu yakaitwa muna 2000, apo vanhu vakapiwa mwedzi mitatu yekuongorora pamwe nekuzeya gwaro vasati vaenda kureferendamu.
Asi vamwe vasati vaona gwaro iri vakaita saVaHamaruoko Chatyoka, avo vanogara kuKamutsenzere kuMukumbura, Mount Darwin North, vanoti ti nguva haina zvikuru zvaichashandura sezvo vari kuziva zviri mubumbiro iri nechekare.