Accessibility links

Breaking News

African Commission Inoti Zimbabwe Ngaibvumidze Vari Kunze Kuvhota Musarudzo


VaGabriel Shumba
VaGabriel Shumba
Dare resangano rinoona nezvekodzero dzevanhu muAfrica, reAfrican Commission on Human and People’s Rights, rinoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kubvumidza zvizvarwa zvayo vzose zviri kunze kwenyika kuvhota mureferendamu nemusarudzo.

Mutongo wedare iri, iro riri muBanjul kuGambia, unosungira Zimbabwe, iyo inova nhengo yesangano iri, kubvumidza zvizvarwa zvayo kuvhota mureferendamu ichaitwa nemusi weMugovera, pamwe nesarudzo dzichaitwa gore rino.

Mutongo wedare iri unotevera nyaya yakakwidzwa musi wa 27 Zvita 2012 nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, VaKumbirai Tasuwa Muchemwa, VaGilbert Chamunorwa, Muzvare Diana Zimbudzana pamwe naVaSolomon Sairos Chikowero, avo vakati Zimbabwe yaityora kodzero dzavo nekuvarambidza kuvhota vari kunze kwenyika.

Vanhu ava vakamirirwa munyaya iyi nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi rehurumende, kanawo kugurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, avo vanoona nezvesarudzo munyika.

Pari zvino hurumende iri kubvumidza chete kuvhota zvizvarwa zveZimbabwe zviri kushanda kumizinda yayo iri kunze kwenyika pamwe nevanoshandira masangano akazvimirira makuru ekunze akaita seUnited Nations.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti vafadzwa zvikuru nemutongo uyu, uyo vati unosungira Zimbabwe kuti ishandise nzira dzimwe chete nedziri kushandiswa nevari kumizinda yayo kunze pakuvhota mureferendamu nesarudzo

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG