Accessibility links

Breaking News

Mapato Oshambadza Gwaro reBumbiro Idzva paFacebook neTwitter


Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ari kubatana mukukurudzira veruzhinji kutambira gwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika kuburikidza nekushambadza pamadandemutande anoshandiswa neveruzhinji akaita seFacebook, Twitter nemamwe.

Masachigaro matatu ekomiti yeCopac akawirirana kuti mapato eZanu PF neMDC mbiri asarudze nhengo dzawo makumi matatu dzine hunyanzvi hwemakombiyuta, dzichazoumba komiti ichashanda mukukurudzira veruzhinji kuti vatambire gwaro iri.

Danho iri rinonzi rakatorwa nemapato aya mushure mekuona kuti mamwe emapoka ari kukurudzira veruzhinji kuti varambe kutambira gwaro iri vari kushandisa madandaro akaita Facebook nemamwe mukushoropodza chirongwa ichi.

Mapato ezvematongerwo enyika anoti reMavambo Khusile Dawn, MDC99 neFreeZim Congress pamwe nemasangano anoti reNational Constitutional Assembly, NCA, International Socialist Organisation nemamwe, ari kukurudzirawo vanhu kuti varambe kutambira gwaro rebumbiro iri pachavhotwa pareferendamu musi wa 16 Kurume.

Chirongwa chedzidziso iyi chiri kupetwa neCopac nemusi weChina, kunyange hazvo mapato ezvematongerwo enyika pamwe nemasangano akazvimirira vacharamba vachienderera mberi.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vaudza Studio 7 kuti bato ravo ririmowo muhurongwa hwekushambadza gwaro iri pamadandemutande.

Ukuwo, vakafanobata chigaro chemutauriri webato reFreeZim Congress, uye vari sachigaro wevechidiki mubato iri, VaJames Katso, vati nemusi weChina bato ravo riri kuparura zviri pamutemo chirongwa chekukurudzira vanhu kuramba gwaro iri pareferendamu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG