Accessibility links

Breaking News

COPAC Yosangana neChina Kuti Itambire Gwaro reBumbiro Idzva


Nhengo dzose makumi maviri neshanu dzekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, dziri kutarisirwa kusangana muHarare nemusi weChina kuti dzitambire zviri pamutemo gwaro rebumbiro idzva ravepo, pamwe nekutarisa gwaro reNational Report zvisati zvaendeswa kuparamende.

Komiti iyi yakasangana zvakare neChipiri ikapirwa gwaro iri nemasachigaro eCOPAC ari matatu anoti, VaDouglas Mwonzora veMDC T, VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu PF, pamwe naVaEdward Mkhosi veMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube.

Vatungamiri vemapato ari muhurumende ndivo vakatozopindira kuti vapedze kusawirirana pamusoro penyaya yekuendeswa kwemasimba kumatunhu, neyekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvikwanise kuve zvizvarwa zvedzimwe nyika zvisingarasikirwe nekodzero yazvo, uko kwanga kuripo kwanga kwotadzisa kupedzwa kwechirongwa ichi.

VaMwonzora vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kupira paramende nezvedanho ravo rekuda kusvitsa gwaro rebumbiro iri nemusi weChipiri nyaya yacho yozozeyiwa muparamende neChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG