WASHINGTON DC —
Vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro vanoti havasi kuwirirana padanho rekutora pamusoro pegwaro rebumbiro remitemo idzva, mamwe masangano achizivisa kuti achakurudzira nhengo dzawo kuti dzirambe kutambira gwaro iri pareferendamu, mamwewo achinzi achiri kuda nguva yekuzeya nenhengo dzawo asati abuda nechisungo.
Izvi zvabuda pamusangano waitwa paUniversity of Zimbabwe nevatungamiri vemasangano mashanu evadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro pamwe nevamiriri veCOPAC.
Vadzidzi ava vakokawo veCOPAC kuti ijekese zvavanga vasinganyatsonzwisisi mugwaro iri mushure mekuripenengura, uye kuti vapindurewo mibvunzo yavanga vanayo.
Vanga vakamirira COPAC kumusangano uyu mumwe wemasachigaro ekomiti iyi, VaDouglas Mwonzora veMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai.
Kuvadzidzi kwabva vamiriri vemasangano anoti reNational Movement of Catholic Students, Zimbabwe National Students Union (ZINASU), Female Students Network of Zimbabwe, Students Christian Movement of Zimbabwe pamwe neStudents Solidarity Trust.
Murongi wemabasa muNational Movement of Catholic Students, VaGift Mambipiri, vanoti vamiriri vevadzidzi ava vari kushorawo zvimwe zvikamu zviri mugwaro iri zvakaita sechevadzidzi nevashandi vehurumende, izvo vati hazvisi kupa vanhu ava kodzero dzavo dzizere.