Vashandi vemugodhi uyu vanonzi vakatanga kuratidzira vachinyunyuta nekusabhadharwa kwavo mihoro yavo kwemwedzi mitatu, sezvo kambani yavo iri kunzi iri kuti haisi kuwana mari.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvine magwaro eZimbabwe Special Permits zviri kuyambirwa kuti zvigare zvakangwarira kumatsotsi anogona kuzvibira mari zvichitevera kutenderedzwa kwemashoko ekuti zvave kukwanisa zvakare kunyoresa kuti magwaro aya awedzerwe nguva.
Munyori mukuru wesangano iri, VaJaphet Moyo, vanoti chikuru chinoita kuti vasanyanyofara ndechekuti aka hakasi kekutanga mapoka matatu aya achiedza kuita hurukuro dzakadai, asi pasina pundutso inozobuda.
Izvi zvinotevera kugunung’una kwaMufundisi Mugadza vachiti vari kutyorerwa kodzero dzavo pasi pebumbiro remitemo nekuramba vachitongwa nenyaya iyi.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti mashoko aVaMudarikwa aya anokonzeresa mhirizhonga sezvo dunhu ravo reUzumba, kusanganisira Mashonaland East yose, ragara richizivikanwa nenyaya dzemhirizhonga.
Kanzuru yeguta reHarare yazivisa kuti iri kupikisa mutongo wakaturwa nedare repamusoro reHigh Court svondo rino wekurambidza kanzuru kuvhara mvura yevanhu vanenge vaine zvikwereti kukanzuru senzira yekuvamanikidza kubhadhara zvikwereti zvavo.
Zvichitevera kuurayiwa kwevanhu makumi maviri nevaviri uye kukuwadzwa kwevamwe vanodarika makumi mashanu nemusi weMuvhuro kuManchester kuUnited Kingdom, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zvave kugara zvakabatira hana mumaoko.
Vashandi vekambani yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, vanoti vanga vachitarisira kuti hurumende ichabatsirawo kambani yavo mukuona kuti vashandi vayo vawaniswa mihoro yavo, iyo yave nemwedzi inodarika gumi nemishanu vasati vatambiriswa.
Mutungamiri wesangano iri, VaDenis Juru, vanoti kupesana kwemashoko aVaBimha uku kuchasiya vakawanda vachirasikirwa nemari sezvo vamwe vakanga vatotenga zvinhu zvakanga zvambonzi hazvibvumidzwi munyika izvi vachifunga kuti vanokwanisa kupinda nazvo zviri pamutemo munyika.
Vachitaura mushure mechiitiko ichi, Muzvare Khupe vati ivo nevamwe vavo vanga vakaungana pane mumwe musha uri mu Ward 9 vachitaura nevatsigiri vavo pasi pechirongwa chavo che Bereka Mwana.
Vechidiki mubato reNational People’s Party mudunhu reHarare vanoti vakakoka vakafanobata chigaro chemutungamiri webato ravo Amai Joice Mujuru kuti vange vachitaura pamusangano wavachaita neMugovera mumusha weChitungwiza.
Hondo yevemichovha muSouth Africa iyo inonzi yave kubata zvizvarwa zveZimbabwe zvinotakura vanhu kubva muMusina kuenda kumuganhu wenyika mbiri idzi weBeitbridge.
Izvi zvakabuda muongororo yakaitwa nechikwata cheInternational Monetory Fund, IMF, icho chakashanya muZimbabwe kubva musi wa 2 kusvika musi wa13 Chivabvu pasi pechirongwa che 2017 Article IV.
Mitengo yezvinhu kana kuti inflation inonzi neZimbabwe National Statistical Agency, Zimstat, yakakwira nezvikamu 0.27 kubva muzana mumwedzi waKubvumbi, zvichienzaniswa nenguva imwecheteyo mugore rapera.
Chinangwa chemusangano uyu ndechekuronga hwaro huchateverwa nemapato aya mugadziriro yawo yekuparura mubatanidzwa uyu zviri pamutemo mumasvondo mashoma anotevera.
Musangano waitwa muHarare pakati pevamiriri vevashandi vehurumende nevamiriri vehurumende pamusoro pechirongwa chehurumende chekuda kuwanira vashandi vayo dzimba, unonzi hauna chawaburitsa mushure mekusawirirana kwemapoka maviri aya pamusoro pemafambisirwo echirongwa ichi.
Muzvare Barbara Nyagomo vanoti bato ravo riri kushanda zvakasimba kukurudzira vana veZimbabwe vari munyika dzakapoteredza dzakaita seSouth Africa, Mozambique, Botswana neZambia kuti vadzokere kumusha kunonyoresa kuti vaokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rinouya.
Varimi vechibage vakawanda mumaruwa vanonzi vari kumanikidzwa kutengesa chibage chavo nemutengo uri pasi kwazvo nekuda kwekuoma kwezvinhu munyaya dzeupfumi.
Vabereki vakawanda vanonzi vachakundikana kugadzirira zvakakwana kudzokera kuchikoro kwevana vavo mangwana nekuda kwekunetsa kwemari kumabhanga pamwe nemunyika yose.
Mapato ari pasi pemubatanidzwa weNera ari kutarisirwa neMugovera kuparura hurongwa hwekukurudzira vechidiki kuti vanyorese kuitira kuti vakwanise kuzovhota musarudzo dzemuna 2018.
Rodhai zvimwe