Accessibility links

Breaking News

Mubatanidzwa weNera Wokurudzira Vechidiki Kunyoresa Kuvhota


NERA iri kuronga kuparura chirongwa chekukurudzira vechidiki kuti vanyorese kuvhota
NERA iri kuronga kuparura chirongwa chekukurudzira vechidiki kuti vanyorese kuvhota

Mapato ari pasi pemubatanidzwa weNational Electoral Reform Agenda, Nera, neMugovera ari kutarisirwa kuparura hurongwa hwekukurudzira vechidiki kuti vanyorese kuitira kuti vakwanise kuzovhota musarudzo dzemuna 2018.

Mutauriri weNera uye vari munyori mukuru weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti hurongwa uhwu huchaitirwa mumusha weChitungwiza, uye vatungamiri vepamato ose ari mumubatanidzwa uyu vachataura pamusangano uyu.

Vanoti nekuda kwekuti vave kuziva nzira dzichashandiswa kunyoresa vavhoti dze biometric voter registration, zvakakosha kuti vemapato anopikisa ava vachitanga kukurudzira vechidiki vose munyika kuti vanyorese kuitira kuti vazokwanisa kuunza shanduko yavari kutarisira mune remangwana ravo.

VaMwonzora vanoti kunyange hazvo mapato ezvematongerwo agara achikurudzira vechidiki kuti vanyorese kuvhota, musiyano uripo nehurongwa hwavo ndewekuti mapato ose ari mumubatanidzwa uyu ave kutaura nezwi rimwe chete, chiitiko chavanoti chinopa hudzamu kukurudziro iyi.

Vanoti vachapinda mumusangano uyu vachatandadzwa nemimhanzi nevaimbi vechidiki vakasiyanasiyana.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG