Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeZvinhu paGore Inokwira Mwedzi waKubvumbi


Mitengo yezvinhu kana kuti inflation inonzi neZimbabwe National Statistical Agency, Zimstat, yakakwira nezvikamu 0.27 kubva muzana mumwedzi waKubvumbi, zvichienzaniswa nenguva imwecheteyo mugore rapera.

Nyanzvi mune zveupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfery Kanyenze, vanoti izvi zvinoreva kuti mitengo yezvinhu yave kusimuka kubva mukudzikira kwayakanga yakaita gore rapera, kana kuti deflation.

Doctor Kanyenze vanoti izvi zvave kureva kuti vanhu vanofanirwa kutarisira kuoma kwezvinhu kuburikidza nekukwira kwemitengo, sezvo vanga vajaira kutenga zvinhu nemitengo iri pasi.

Vanotiwo havaoni mitengo iyi ichi gadzikana nekukasika sezvo mari yekuSouth Africa, nyika inonyanyotengeserana neZimbabwe, iri kuramba ichi wedzera simba rayo.

Doctor Kanyenze vanoti zvimwe zvinogona kunge zvakakwidza mitengo kunetsa kwemari yekuAmerica inove iri kushandiswa zvakanyanya munyika pamwe neyemunyika ye bond note, iyo yakaparurwa senzira yekuderedza dambudziko remari.

Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG