Accessibility links

Mapurisa Oshorwa Nekushandisa Chisimba kuVashandi veMugodhi weTurk Vairaitidzira

  • Jonga Kandemiiri

Mapurisa anonzi akashandisa chisimba mukuparadza kuratidzira kwevashandi vemugodhi weTurk pamwe nemadzimai avo

Sangano rinomirira vashandi vemumigodhi, reNational Mine Workers’ Union of Zimbabwe rinoti riri kushora zvikuru kushandiswa kwechisimba nemapurisa mukuparadza kuratidzira kwakaitwa nevashandi pamwe nemadzimai avo nezuro pamughodhi weTurk Mine uri kuBubi, kunze kweguta reBulawayo kuMatabeleland North.

Vashandi vemugodhi uyu vanonzi vakatanga kuratidzira vachinyunyuta nekusabhadharwa kwavo mihoro yavo kwemwedzi mitatu, sezvo kambani yavo iri kunzi iri kuti haisi kuwana mari.

NeChitatu madzimai evashandi ava anonzi akazobatanawo nevarume vavo mukuratidzira uku, izvo zvinonzi zvakazoita kuti vakuru vemugodhi uyu vadaidze mapurisa, ayo anonzi akakundikana kumisa kuratidzira uku.

Mapurisa aya anonzi akazoshevedza chikwata chinodzivirira mhirizhonga, icvho chinonzi chakasvikokonzera zhowezhowe mukomboni yose mushure merova chero munhu aisanganikwa naye uye kukanda utsi hunokachidza pamwe nekuridzira pfuti mudenga.

Utsi hunokachidza hwakakandwa nemapurisa aya hunonzi hwakakanganisawo zvakare vana vechikoro cheTurk Primary School, avo vanonzi vakamanikidzwa kusiya zvidzidzo zvavo votiza.

Studio7 yakundikana kubata vakuru vakuru vemugodhi uyu pamwe nemapurisa kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Asi VaNdodana Sithole, vanotungamira sangano reNational Mine Workers’ Union of Zimbabwe, vanoti havaoni chikonzero chekuti mapurisa ashandise chisimba sezvo kuratidzira uku kwaiitwa murunyararo.

VaSithole vanoti pazoitwa musangano pakati pevamiriri vevashandi nevebazi rezvevashandi nemabasa, izvo zvinonzi zvazoita kuti vashandi vambodzokera pamabasa nyaya yavo ichizeyiwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG