Accessibility links

Breaking News

Vemichovha muSouth Africa Vonetsana neZvizvarwa zveZimbabwe


Vanhu vakamirira kukwira michovha. (Mufananidzo: Taurai Shava)
Vanhu vakamirira kukwira michovha. (Mufananidzo: Taurai Shava)

Hondo yevemichovha muSouth Africa inonzi yave kubata zvizvarwa zveZimbabwe zvinotakura vanhu kubva muMusina kuenda kumuganhu wenyika mbiri idzi weBeitbridge.

Hondo iyi inonzi yakakonzera kuti vemichovha vemuSouth Africa varambidze motokari dzinobva kuZimbabwe kupinda munyika iyi kwemaawa anoda kusvika masere nemusi weMuvhuro vachiti vari kutorerwa basa nevekuZimbabwe.

Mutewedzeri wasachigaro wesangano revemichovha muSouth Africa reMusina Nancefield Taxi Association, VaDonald Sebola, vatenda kuti pane kunetsana kuripo pakati penhengo dzesangano ravo nevemichovha isina magwaro ebasa vari kutakura vanhu kubva muMusina kuenda kuBeitbridge.

Asi VaSebola vati hainganzi ihondo sezvo vasiri kurwisana asi kuti vari kuedza kutaurirana nevamwe vavo kuti vawirirane.

VaSebola vaudza Studio 7 kuti havasi vemuSouth Africa chete vari kurasikirwa nebhizimusi, asi kuti kana vemabhazi vekuZimbabwe vari kubatwawo nazvo, sezvo vave kushayawo vanhu nekuda kwevemichovha isina magwaro iyi.

Vanoti nemusi weChina vari kuita musangano nemapurisa emuMusina kuti vaone kuti dambudziko iri ringagadziriswa sei.

Mutungamiri wesangano revanotengesera kunze kwenyika reInternational Cross Border Traders Association, VaDenis Juru, vanoti aka hakasi kekutanga kuti vemichovha ava varwisane, sezvo vagara vachinetsana nenyaya dzekutorerana mabasa idzi.

Asi vanoti izvi zvakasagadziriswa nekukasika zvinogona kusvika pakutora hupenyu hwevanhu.

VaJuru vanoti dambudziko iri rawedzerwawo nekuderera kwevanhu vave kupinda muSouth Africa mushure mekunge hurumende yadzika mutemo unorambidza kupinzwa kwezvinhu munyika, weStatutory Instrument 64.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG