Accessibility links

ZCTU: Kusavimbika kweHurumende Kuchanonotsa Chibvumirano cheSocial Contract

  • Jonga Kandemiiri

ZCTU

Sangano revashandi reZCTU rinoti harisi kufara nenhaurirano social contract kana kuti chibvumirano chemushandira pamwe pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi, richiti hurumende yaVaRobert Mugabe haina kuvimbika.

Munyori mukuru wesangano iri, VaJaphet Moyo, vanoti chikuru chinoita kuti vasanyanyofara ndechekuti aka hakasi kekutanga mapoka matatu aya achiedza kuita hurukuro dzakadai, asi pasina pundutso inozobuda.

Vanoti chikuru chiri kudzosera kumashure nhaurirano dzekuedza kumutsiridza hupfumi hwenyika idzi kusazvipira kwezvevematongerwo enyika.

Zvinonzi hurumende yaida kuti chibvumirano ichi chinge chanyoreranwa gore rapera muna Zvita, asi vamiriri vevashandi vakati vakanga vasati vapiwa mvumo yekusaina nevavanomirira.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Svondo rapera mapoka matatu aya akasangana pasi peTripatite Negotiating Forum, apo pakazowiriranwa kuti patange paongororwa kuti zvimwe zvibvumirano zvakamboitwa kare zvakabereka michero here kana kuti kwete.

VaMoyo vanoti nekuda kwezvose izvi, sangano ravo harisi kuzosaina gwaro iri pasati pagadziriswa zvematongerwo enyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG