Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvoyambirwa Pamusoro peMagwaro eZSP


Gwaro reZimbabwe Special Permit, kana kuti ZSP
Gwaro reZimbabwe Special Permit, kana kuti ZSP

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvine magwaro eZimbabwe Special Permits zviri kuyambirwa kuti zvigare zvakangwarira kumatsotsi anogona kuzvibira mari zvichitevera kutenderedzwa kwemashoko ekuti zvave kukwanisa zvakare kunyoresa kuti magwaro aya awedzerwe nguva.

Izvi zvinotevera mashoko ari kutenderedzwa pamadandemutande nemumapepanhau achinzi akabva kugurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa idzva, Amai Hlengiwe Buhle Mkhize, vachinzi vari kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro ekugara munyika iyi kuti zvikasike kumutsiridza hupenyu hwemagwaro aya nguva yakatarwa yemusi wa 31 Zvita gore rino isati yasvika.

Amai Mkhize vanonzi vakatiwo magwaro aya anokwanisa kutanga kumutsiridzwa kubva musi wa 1 Chikumi gore rino, kusvika musi wa 31 Zvita gore rino, uye vanhu vanenge vachizobhadhariswa mari.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinobatsira zvizvarwa zveZimbabwe, reZimbabwe Exiles Forum, Muzvare Diana Zimbudzana, vanoti havafungi kuti mashoko aya akabva kuhurumende yeSouth Africa, vachiti hurumende ine nzira dzekufambisa nadzo mashoko akadai dzakafanana nekuisa pamadandemutande ayo.

Vanoti chimwe chinoita kuti vafunge kuti mashoko aya haasi echokwadi ndechekuti pavakapedzisira kusangana nevamiriri vehurumende yeSouth Africa vakaudzwa kuti hurumende ichamirira kunzwa zvichabva kudare remakurukota pamusoro penyaya iyi.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti hurumende yeSouth Africa haisi kunyatsojekesawo remangwana ravo panyaya yemagwaro ekugara pamwe nekushanda munyika iyi, sezvo isati yataura chinhu pamusoro pemashoko anonzi ari kutenderera aya.

Studio7 yakundikana kubata vebazi rezvemukati menyika muSouth Africa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hurukuro naMuzvare Diana Zimbudzana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG