Accessibility links

Breaking News

Code Yosangana muHarare neMugovera


Welshman Ncube
Welshman Ncube

Hutungamiri hwemapato anopikisa mumatunhu eHarare neChitungwiza ari mumubatanidzwa weCoalition of Democrats, kana kuti CODE, huri kusangana neMugovera muHarare.

Chinangwa chemusangano uyu ndechekuronga hwaro huchateverwa nemapato aya mugadziriro yawo yekuparura mubatanidzwa uyu zviri pamutemo mumasvondo mashoma anotevera.

Nhengo yekomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko muCODE, uye vari mutauriri webato reMDC inotungamirirwa naProfessor Welshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vanoti musangano uyu uchatorawo mukana wekusangana kuti uronge hwaro hwekuti mubatanidzwa uyu ungasvike sei kusarudzo dza 2018.

VaChihwayi vanoti hutungamiri hwemapato mapfumbamwe ari muCODE huchange huchitaurawo pamusangano uyu, uyo uchakokerwa nasachigaro weCODE mumwedzi uno, VaDumiso Dabengwa, avo vanotungamira bato reZapu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG