Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Votyiswa neMabasa eHugandanga Ari Kuitwa Mune Mamwe Maguta


Mupurisa ari kuisa maruva panzvimbo yakafira mumwe mupurisa muWestminster,pedyo nedare reparamende muLondon musi waKurume 23, 2017.
Mupurisa ari kuisa maruva panzvimbo yakafira mumwe mupurisa muWestminster,pedyo nedare reparamende muLondon musi waKurume 23, 2017.

Zvichitevera kuurayiwa kwevanhu makumi maviri nevaviri uye kukuwadzwa kwevamwe vanodarika makumi mashanu nemusi weMuvhuro kuManchester kuUnited Kingdom muchiitiko chinozni ndechehugandanga, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zvave kugara zvakabatira hana mumaoko.

Mazuva mashoma adarika munhu mumwe chete akaurayiwa vamwe makumi maviri nevaviri vakakuvara muTime Square muguta reNew York muAmerica mushure mekunge mumwe murume atyaira motokari yake achitsika vanhu vaizvifambirawo zvavo.

Zviitiko zvakadai zviri kuitikawo munyika dzakasiyanasiyana dziri kugarawo zvizvarwa zveZimbabwe.

Masangano anopfurikidza mwero akaita se Al-Qaeda ISIS, Boko Haram ne Al Shabab ndemamwe anonzi ari kuita mabasa akadai.

Masangano aya mune dzimwe nguva anotobuda pachena achitenda kuti ndiwo anenge akonzeresa ndufu dzakadai.

Vamwe ndivo vanoti zviitiko izvi zviri kukonzerwa nekushandiswa kwemadandemutande.

Vamwewo vachipomera mhosva vechitendero chechi Moslem vachiti ndivo vanonyanya kutungamira zviitiko zvekurwiswa kwevanhu vasina mhaka uku.

VaShaun Matsheza, chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reAmsterdam kuNetherlands, vanoti zviitiko zvakadai zvinokanganisa zvikuru magariro evanhu, zvikuru sei nekupararira kwaita zvizvarwa zveZimbabwe nenyika dzepasi rose.

Vanoti nekuona zviri kuitika mune dzimwe nyika dziri muEurope, vanogara vachingotyira kuti mangwana zvinenge zviri kwavo.

Asi vanotiwo vanhu havafanirwi kutarisa zviitiko izvi vachiisa chitendero chechi Moslem nekuti chero munhu anogona kushandiswa nemapoka ari kuita hugandanga aya.

VaMatsheza, avo vanovewo nyanzvi mukufambiswa kwemashoko mumadandemutande, vanoti vanhu havafanirwiwo kushandisa madandemutande kuparidza zviitiko zvehugandanga, sezvo kuita izvi kuri kutoendesa mberi zvido zvemagandanga.

Hurukuro naVaShaun Matsheza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG