Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Hupfumi hweZimbabwe Huri paRumananzombe


International Monetary Fund (IMF)
International Monetary Fund (IMF)

Hupfumi hweZimbabwe hunonzi huri parumananzombe, uye hurumende inofanirwa kutora matanho akasimba mukuona kuti matambudziko akatarisana nenyika agadziriswa.

Izvi zvakabuda muongororo yakaitwa nechikwata cheInternational Monetory Fund, IMF, icho chakashanya muZimbabwe kubva musi wa 2 kusvika musi wa13 Chivabvu pasi pechirongwa che 2017 Article IV.

IMF yakapedza rwendo rwayo ndokubuda nekomekedzo dzakati kuti dzinofanirwa kuteverwa nenyika kuti ibude mumatope mairi munyaya dzeupfumi.

Chikwata ichi, icho chaitungamirwa naAmai Ana Lucia Coronel, chakaita misangano nevamiriri vehurumende, vemakambani akazvimirira, vashandi pamwe nevemasangano akazvimirira.

Nyaya dzinonzi dzakakurukurwa dzainangana nebudiriro mune zveupfumi, zvimhingamipinyi pamwe nenzira dzingadzora kugadzikana munyaya dzezveupfumi.

Chikwata ichi chinoti kumutsiridzwa kwebandiko rezvekurima pamwe nezvicherwa kuchasimudza hupfumi gore rino, asi izvi hazvigoni kuti zvirambe zvakasimbisa upfumi kana pasina kutorwa matanho anosanganisira kuderedzwa kwemari inoshandiswa nehurumende, kusanganisira mari dzinotambirwa nevashandi vehurumende.

IMF inotiwo hurumende inoifanirwa kurwisa huwori, kubuda pachena mukufambiswa kwezvicherwa uyewo kusapindira mukutarwa kwemitengo pamisika, sezvo izvi zvichi tadzisa kukwezva kwevekunze vanoda kuzotanga mabhizimusi avo munyika.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanotambira chose kurudziro yeIMF iyi, asi panodiwa kuzvipira kwehurumende mukuvandidza zviri kukurudzirwa nesangano iri.

“Ma reforms ari kudikanwa acho ma reforms anongoda kutsigirwa nema key stakeholders ese, especially, eeh, political support, political will, ne political commitment,” Doctor Chitambara vanodaro.

Vanoti zvimwe zvakaita sekuderedza mari dzinotambirwa nevashandi vehurumende, havaoni zvichi tambirwa sezvo hurumende isingade kukanganisana nevashandi vayo vanove bandiko rakakosha, iyo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG