Nhengo yeZanu PF, VaNick Mangwana, vanoti hurumende inofanirwa kuumba hwaro hunoita kuti ikwanise kubata mari dzinobva kuzvizvarwa zvenyika zviri kunze kwenyika
ZCTU inoti iri kuenderera mberi nehurongwa hwayo hwekuratidzira musi wa 11 Kubvumbi, zvisineyi nemashoko ekunyomba ari kuburitswa nebepanhau reThe Herald, pamwe nemashoko ekutyisidzira akataurwa nesangano revakarwa hondo
Imwe nhengo yebhodhi reNational Vendors’ Union Zimbabwe inoti inorwadziwa zvikuru nemashoko emutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Amai Charity Charamba, ekuramba kuti pane vanhu vakaedza kuipamba neMugovera
Mapato achapinda musarudzo idzi anoti Zanu PF, National Constitutional Assembly, Freedom Front, Transform Zimbabwe pamwe nemumwe akazvimirira
Bato reTransform Zimbabwe rinoti gwaro revavhoti richine mazita evamwe vanhu vakafa kare, vamwe vanhu vane makore anodarika zana vasingawanikwe pakero dzakanyorwa, uye vamwe vanhu vakanyorwa kaviri vachizongosiyaniswa zvishoma kunhamba dzezvitupa
Vari kukwikwidza musarudzo ye by-election kuChirumhanzu-Zibagwe vakamirira bato reNational Constitutional Assembly, NCA, VaMunashe Mutodza, vanoti nhengo dzavo dziri kutyisidzirwa nenhengo dzeZanu PF apo dzinenge dzichitsvaga rutsigiro
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yasangana mangwanani muHarare ikasunga kuzadzisa chisungo chakaitwa nekongiresi yebato iri chekusapinda musarudzo dzose kusvika zvinoda kugadziriswa munyaya dzesarudzo zvose zvagadziriswa
Nhengo dzevechidiki dzeMDC T shanu dzakasungwa nemapurisa neMugovera dzamiswa pamberi pedare ramejasitiriti muChitungwiza dzichipomerwa mhosva yekuparadza midziyo.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti kana zvagarika zvokanganwa kwazvakabva, zvotadza kudzorerawo kuvanhu vakazvisimudza, kuburikidza nekuita zvirongwa zvinobatsira matunhu
Nyaya dzekuvharwa kwemakambani dzinonzi dziri kuramba dzichiwedzera huwandu hwevanhu vasina mabasa munyika, izvo zvinonzi zvave kuita kuti veruzhinji vararame nekutengesa chero chinobatika
MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti inofara kuti yakazokokwa nasachigaro weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau kuti inotora gwaro revavhoti
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimira, VaCharles Mangongera, vanoti zvose izvi munongedzo wemhepo dzave kusimuka mushure mekutsikirirwa kwevanhu kwenguva yakareba.
Sangano rinomirira vashandi vemumabhanga reZimbabwe Bank and Allied Workers Union, ZIBAWU, rasvitsa kudare reparamende gwaro rekutsvaga rutsigiro kubva kudare iri pamusoro pekurasikirwa kwevashandi nemabasa kuburikidza nekuvharwa kuri kuita mabhanga munyika
IMFinoti kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyaya dzeupfumi muZimbabwe, hurumende yaratidza pundutso muhuruongwa hwayo hwekuzadzisa zvirongwa zvayo pamwe nezvaitarisirwa pasi pechirongwa cheStaff Monitored Program
Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti riri mushishi kunyora matsamba arichasvitsa kumasangano anoti SADC Troika, sachigaro weAfrican Union Commission pamwe nesangano reUnited Nations, richinyunyuta nezvarinoti zviri kukanganiswa nebato riri kutonga reZanu PF
Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaBarack Obama, vanoti hurumende yavo yatora danho iri sezvo Zimbabwe iri kuramba ichimbunyikidza hutongo hwejekerere
Mapurisa anodzivirira mhirizhonga adaidzwa kuzodzimura mhirizhonga inonzi yatadzisa kutengeswa kwefodya pazuva rekutanga kumusika wefodya weBoka Tobacco Auction Floors
Matambudziko emari akatarisana nekanzuru yeChitungwiza anonzi ari kure nekupera kana hazvo kanzuru iyi yakamisa vamwe vashandi mabasa
Transform Zimbabwe inoti iri kupinda kekutanga musarudzo paichapinda musarudzo dzemakanzuru mudunhu reChipinge West nemusi weChishanu 27 Kukadzi, kunyange hazvo iine zvinyunyuto pamusoro pemabatirwo ainoti ari kuitwa zvinhu neZimbabwe Electoral Commission, ZEC
MISA-Zimbabwe nevamwe vatori venhau vasvitsa kudare repamusorosoro reConstitutional Court magwaro ekuti mutemo unosvibisa chimiro chemunhu wecriminal defamation uraswe mubumbiro idzva remitemo
Rodhai zvimwe