Komiti inoona nezveklufambiswa kwemabasa yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yasangana mangwanani muHarare ikasunga kuzadzisa chisungo chakaitwa nekongiresi yebato iri chekusapinda musarudzo dzose kusvika zvinoda kugadziriswa munyaya dzesarudzo zvose zvagadziriswa.
Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vanoti national council yebato ravo ichagara mumazuva mashoma anotevera, uye ndiyo inotarisirwa kuzobuda nechisungo chichatungamira bato ravo panyaya yesarudzo.
Asi VaGutu vanoti standing committee yebato ravo ichakomekedza kunational council kuti iremekedze zvakasungwa pakongiresi.
Kana bato reMDC T rikasapinda musarudzo, zvinenge zvoreva kuti harisi kuzokwikwidza muzvigaro gumi nezvina zvevamiriri vedare reparamende neseneti varakadzinga mubato iri, uye kuburitsisa muparamende.
Zvimwe zvigaro zvinomwe zvenhengo dzakadzingwa zvinogona kuzadziswa nekudoma vamiriri kubva mubato iri kana kuti propotional representation.