MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti inofara kuti yakazokokwa nasachigaro weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau kuti inotora gwaro revavhoti.
Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vatsinhira kuti bato ravo rakakokwa kuti rinotora gwaro revavhoti rekuMt. Darwin West pamwe nerekuChirumhanzu-Zibagwe.
VaGutu vanoti bato ravo rakanga rakumbira kuti ripiwe magwaro aya ari murudzi rwuviri, rwe“electronic” pamwe ne “hard copy.”
Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti vaenda kumahofisi aAmai Makarau vakakwanisa kubhadhara mari inoita madhora gumi nemashanu ekuti vakwanise kupiwa gwaro riri murudzi rwemapepa nemadhora gumi nemaviri ekuti vapiwe gwaro iri murudzi rwevhidhiyo.
Asi VaGutu vanoti kana zvavo vazopiwa gwaro iri neZEC, hazvirevi kuti bato ravo rave kuzopinda musarudzo dze by-elections mumatunhu maviri aya, sezvo sarudzo idzi dzatosvika, uye bato ravo richida nguva yekumbotarisisa gwaro iri.
MDC T yakaramba kupinda musarudzo dzipi zvadzo munyika kana zvakawanda zvinosanganisira nyaya yegwaro revavhoti nekuvandudzwa kwemitemo yesarudzo zvisati zvagadziriswa.