Sangano rinokweretesa mari pasi rose reInternational Monetary Fund, IMF, rinoti kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyaya dzeupfumi muZimbabwe, hurumende yaratidza pundutso muhuruongwa hwayo hwekuzadzisa zvirongwa zvayo pamwe nezvaitarisirwa pasi pechirongwa cheStaff Monitored Program chiri pasi pesangano iri.
Gwaro iri rakaburitswa neIMF neMuvhuro mushure mekupeta rwendo kuZimbabwe kwechikwata chesangano iri chaibatsira hurumende munyaya dzeupfumi.
Mugwaro iri, mukuru wechikwata chesangano iri chaive kuZimbabwe, VaDomenico Fanizza, vakatiwo Zimbabwe yawedzerawo hurongwa hwekubhadhara zvikwereti zvayo zvekunze kusangano reWorld Bank.
Asi gwaro iri rinotiwo kunyange hazvo zvinhu zviri kuratidza sezviri kugadzikana, tarisiro kune zveupfumi hwenyika icharamba yakaoma, sezvo kukura kwahwo kwaderera uye kuri kutarisirwa kudzikira masimba mugore rino ra 2015.
IMF inoti Zimbabwe ine hurongwa hwekugadzirisa upfumi hwayo kuburikidza nekuyananisa mashandisirwo emari iri kuwanikwa nehurumende, kubhadhara zvikwereti zvayo, kudzosa chivimbo mune zveupfumi pamwe nekugadzirisa nyaya dzinobata vekunze vanoda kuzotanga mabhizimusi munyika.
Hurumende yakaunza hurongwa hwe ZimAsset senzira yekusimudzira hupenyu hwevanhu.
Hurongwa uhwu huri kutarisirwa kuwanisa vanhu vanosvika mamiriyoni maviri mabasa mukati memakore mashanu.
Asi izvi zvinenge zviri kuramba zviri zviroto, sezvo makambani ari kutoramba achivhara uye mari iri kutenderera munyika iri kuramba ichishomeka.
Pane kurudzirowo yekuti hurumende ideredze huwandu hwevashandi vayo kuitira kuti mari yainowana ienderane nehomwe dzayo.
Nyanzvi mune zveupfumi uye vachiita zvidzidzo zvepamusoro munyaya dzemabhizimusi paUniversity of South Africa (UNISA), Doctor Chipo Nyamwena-Mukonza, vanoti vanowirirana negwaro reIMF iri pakuti Zimbabwe iri kuzama kubhadhara zvikwereti zvayo, asi hazvina zvazvati zvabatsira nazvo hupfumi hweZimbabwe.
Amai Nyamwena-Mukonza vanoti kuratidza kuti zvinhu zviri kutoshatisisa, mabhanga ari kuramba achivhara, vanhu vachirasikirwa nemabasa uye mari iri kutenderera munyika iri kuramba ichinetsa.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanobvuma kuti hongu hupenyu hwakaoma asi vanotiwo ivava veIMF neWorld Bank ndivo vanga vasingabatsiri Zimbabwe samabatsirirwo aiitwa dzimwe nyika.
Nekudaro vanoti gwaro resangano iri rekuti zvinhu zviri kugadzikana munyika vanoriona sekungozviridzira pembe kwevanhu vari kuomesera Zimbabwe.