Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voomerwa neHupenyu neKushaya Mabasa

FILE - Smoke billows from a coal-fired power plant in Beijing, China, Nov. 13, 2014.
FILE - Smoke billows from a coal-fired power plant in Beijing, China, Nov. 13, 2014.

Nyaya dzekuvharwa kwemakambani dzinonzi dziri kuramba dzichiwedzera huwandu hwevanhu vasina mabasa munyika, izvo zvinonzi zvave kuita kuti veruzhinji vararame nekutengesa chero chinobatika.

Mazuva apera hurumende yakazivisa kuti inogona kuvharisa kambani yenharembozha yeTelecel Zimbabwe, ichiti kambani iyi iri kushanda isina rezinesi.

Kana danho iri rikabudirira, izvi zvinenge zvoreva kuti vashandi vanodarika chiuru vanenge vorasikirwa zvakare nemabasa.

Mamwe makambani akawanda anosanganisira yeZimpapers, iyo inodhinda mapepanhau ehurumende, anonzi ari mushishi yekumisawo vashandi mabasa.

Masvondo maviri apfuura, kanzuru yeChitungwiza yakazivisawo kuti ine hurongwa hwekumisa vashandi vanodarika mazana matanhatu mabasa nekuda kwekuoma kwezvinhu munyaya dzeupfumi.

Kubva kutanga kwegore rino, mabhanga akawanda akaputsika uye vashandi vanodarika chiuru vakarasikirwawo nemabasa.

Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti izvi zvinoreva kuti vose vanhu vari kurasikirwa nemabasa ava vanenge vopinda mukuita mabasa ekuzviriritira, umo mazara nechekare.

Nyanzvi munyaya dzevashandi uye vachitungamira sangano reConcerned Affiliates of the ZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti mamiriro akaita zvinhu munyika haachadi kuti vashandi nevashandirwi vabatane pahuro, sezvo iri risiri dambudziko revashandi.

VaMatombo vanoti kugadzirisa dambudziko iri panofanirwa kutanga pagadziriswa kuti matambudziko enyika ave upfumi hwenyika.

Vanoti izvi zvinogadzirisika chete kana hurumende ikatora danho rekugadzirisakuburikidza nekudzokera kuchibvumirano cheKadoma Declaration, icho chakanyoreranwa mugore ra2001.

Mukuru wesangano revashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare vanotiwo vanobvumirana nemaonero aVaMatombo, sezvo mamiriro akaita zvinhu munyika iye zvino asisina kufanana nemamiriro akanga akaita zvinhu mugore ra2001.

Sangano remubatanidzwa wemasangano evashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti vashandi vakawanda vakarasikirwa nemabasa mugore rino chete mushure mekuvhara kwemakambani akawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG