Mapurisa anodzivirira mhirizhonga adaidzwa kuzodzimura mhirizhonga inonzi yatadzisa kutengeswa kwefodya pazuva rekutanga kumusika wefodya weBoka Tobacco Auction Floors.
Varimi varatidzira vachiramba mitengo yanga iri pasi yanga ichida kutengwa nayo fodya yavo.
Mapurisa anodzivirira mhirizhonga anonzi azodaidzwa kuti adzimure kuratidzira uku mushure mekunge varimi vatanga kuimba vachiita mhirizhonga.
Musika wefodya wavhurwa zviri pamutemo kuBoka Auction Tobacco Floors negurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha.
Mutungamiri werimwe sangano revarimi reZimbabwe Commercial Farmers’ Union, VaWonder Chabikwa, avo vanga varikowo kuBoka pavhurwa zviri pamutemo musika wefodya, vanoti bhero rekutanga ratengwa nemadhora matatu nemasendi makumi mashanu pakirogiramu.
VaChabikwa vanoti mamwe mabhero azotevera mumashure azenge otengwa nemitengo yanga yaderera zvakanyanya zvekutosvika kumasendi makumi maviri pakirogiramu, izvo zvinonzi zvazotsamwisa varimi.
Gore rapera fodya yakatengwa nemadhora mana nemasendi makumi masere nemashanu pakirogiramu pazuva rekutanga rekutengeswa kwefodya.
Gore rino varimi vane misika mitatu yavanokwanisa kunotengesera fodya yavo inoti Boka Auction Floors, Tobacco Sales Auction Floors pamwe nePremium Tobacco Auction Floors.
Studio7 yakundikana kubata mukuru weTobacco Industry and Marketing Board, VaAndrew Matibiri, kuti tinzwe kuti fodya yatengeswa yakawanda zvakadii sezvo nharembozha yavo yanga isingadairwi.