Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvoratidza Kusagadzikana Munyika


Mapurisa anonziwo ari kushandisa mutemo achitarisa kuti munhu abuda mumba maani
Mapurisa anonziwo ari kushandisa mutemo achitarisa kuti munhu abuda mumba maani

Zvinhu zvinonzi hazvisi kutarisika zvakanaka munyaya dzezvematongerwo enyika zvichitevera kubuda kwehukasha hwevamwe vanhu kunonzi kwakaitika muHarare neChitatu pakuratidzira kwakaitwa pamusoro pekupambwa kwemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, nevanhu vasingazivikanwi.

Mapurisa anonziwo akarova vashandi vepamuzinda webato guru rinopikisa, reMDC T, uye kusvika neChina anonzi akaswera akakaka matende pamahofisi aya muHarare.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimira, VaCharles Mangongera, vanoti zvose izvi munongedzo wemhepo dzave kusimuka mushure mekutsikirirwa kwevanhu kwenguva yakareba.

VaMangongera vanoti kushaikwa kwemabasa pamwe nekuramba mitemo ichishandiswa pachitariswa kuti munhu abuda mumba maani, ndezvimwe zvezvinhu zvichakonzera kuti vanhu varatidze hukasha hwavo.

Asi chipangamazano mune zvekufambiswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaGoodson Nguni, avo vanoramba kuti VaItai Dzamara vakapambwa, vanoti vashoma vanonzi vari kusimuka ava ndevanhu vanenge vashaya zvekuita voda kusvibisa zita rehurumende pamwe nebato ravo riri kutonga reZanu PF.

VaNguni vanoti zvinhu zvakamira zvakanaka chose munyika mungave munyaya dzezvematongerwo enyika kana zveupfumi, asi chete kuti kune vebato reMDC T, avo vanoti vakakonzereasa zvirango munyika, ndivo zvakare vave kutanga kuita mhirizhonga kuti vanzwikwe nenyika dzinovatsigira dzekumawirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG