Nhengo yeZanu PF, VaNick Mangwana, vanoti hurumende inofanirwa kuumba hwaro hunoita kuti ikwanise kubata mari dzinobva kuzvizvarwa zvenyika zviri kunze kwenyika, kuburikidza nekuisa boka revari kunze kwenyika pasi pebazi rimwechete, kwete zviri kuitika pari zvino zvekuti mapazi anodarika mashanu anofunga kuti vari kunze vari pasi pawo.
Kurudziro iyi inouya zvichitevera kurudziro yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mukutanga kwesvondo rino vari kuEthiopia yekuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vabatsire mukuvaka nyika kuburikidza nekutumira mari kumusha pamwe nekuita zvirongwa zvebudiriro.
VaMugabe vakapa muenzaniso weEthiopia iyo vakati yakwanisa kuita zvivakwa zvakawanda pamwe nebudirio nekuda kwezvizvarwa zvayo zvakawanda zviri kunze kwenyika.
VaMangwana vanotiwo kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvikwanisewo kupiwa mikana yakaenzana nevari kumusha, zvinofanirwawo kubatirwa mitero inoenda muhomwe yehurumende, sezvinoitwa nevedzimwe nyika.
Asi zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zvinosvibiswa mwoyo nekuda kwekusamira zvakanaka kweupfumi hwenyika, zvematongerwo enyika pamwe nekusajekeswa kwemimwe mitemo yenyika.
Nyanzvi mune zveupfumi vachitaura vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti vamwe vanotumira mari kumusha havashandisi mabhanga zvakanyanya nekushaiwa chivimbo nawo.
VaKuchera vanotiwo mari inobhadhariswa nemakambani anoshandiswa kutumira mari kumusha yakawanda zvikuru, izvo zvinozoita kuti vanhu vashandise dzimwe nzira dzakaita sekutumira mari nevatyairi vemabhazi nezvimwe zvakadaro.
Zvizvarwa zvenyika zviri kunze zvinonzi gore rapera zvakatumira mari inosvika $840 million, iyo inonzi yakabatsira nyika zvakanyanya sezvo iri kunetsekana kuwana mari.