Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Kuratidzira Kwayo Kuchaenderera Mberi Musi wa 11 Kubvumbi


Nhengo dzeZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU dzichiratidzira
Nhengo dzeZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU dzichiratidzira

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kuenderera mberi nehurongwa hwaro hwekuratidzira musi wa 11 Kubvumbi, zvisineyi nemashoko ekunyomba ari kuburitswa nebepanhau reThe Herald, pamwe nemashoko ekutyisidzira akataurwa nesangano revakarwa hondo.

Mugwaro raburitswa nesangano iri, ZCTU inotiwo manyepo ekuda kukanganisa vanhu mashoko ekuti bato reMDC T riri muhurongwa hwekuratidizira uhwu, uye kuti vari kunetsana kuti ndiyani anotungamira hurongwa uhwu.

Sangano reavsandi iri rinotiwo manyepo kuti riri kuwana rubatsiro rwema T-shirt kubva kusangano Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, kanawo kusangano reInternational Labour Organisation, ILO.

ZCTU inotiwo bepanhau re The Herald riri kupinza ILO mukati nechinangwa chekuda kusvibisa zita revakambove munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe.

ZCTU inoti VaChibebe vakasiya kare sangano iri uye pave nehutungamiri hunokwanisa kuzvimirira hwoga husingadi rubatsiro rwekunze.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti hurongwa hwekuratidzira uhwu hwakanangana nevashandi vemunyika, kwete vezvematongerwo enyika.

ZCTU iri kuronga kuratidzira munyika yose ichitsutsumwa nezvakawanda zvinosanganisira kusaendeswa nevashandirwi kwemari dzinobatirwa vashandi kumasangano evashandi, kunonoka kumutsiridzwa kwehurukuro dzeTripartite Negotiating Forum, kunonoka kubhadharwa kwevashandi.

ZCTU inotiwo haisi kufara nekurudziro yemukuru webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, pamwe negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, ekuti vashandi vasawedzerwa mari dzemihoro, uye kuti mitemo yemabasa ivandudzwe.

VaMoyo vanoti kuratidzira uku kuri kuitwa uri musi weMugovera kuitira kuti vashandi vasatya kupindawo vachityira kurasikirwa nemabasa sezvaimboitika kare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG