Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti riri mushishi kunyora matsamba arichasvitsa kumasangano anoti SADC Troika, sachigaro weAfrican Union Commission pamwe nesangano reUnited Nations, richinyunyuta nezvarinoti zviri kukanganiswa nebato riri kutonga reZanu PF.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti zvavari kuzivisa masangano aya zvinosanganisira mashoko akataurwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe ekuti vanoda kuona mutongi achabata nyaya yakakwidzwa kumatare nevakadzingwa muZanu PF, VaDidymus Mutasa.
VaGutu vanoti bato ravo rinoona mashoko aya seekutyisidzira vatongi vematare edzimhosva.
Zvimwe zviri kunyunyutwa neMDC T inyaya yekunonoka kwehurumende yaVaMugabe kugadzirisa mitemo yenyika kuti ifambirane nebumbiro idzva uye mashoko anonzi akataurwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamsa ekuti vachada kuti bumbiro remitemo rivandudzwe.
VaGutu vanoti mamwe mashoko akataurwa nemutewedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachizivisa mukuru wemauto pamusangano wavo kuMidlands, VaConstantine Chiwenga pamusangano wavaiita, ekuti VaChiwenga ndivo vanoona nezvegwara remusangano weZanu PF kutyora bumbiro remitemo.
MDC T inoti hayioni kuve sachigaro weSADC neAfrican Union kwaVaMugabe kuchitadzisa kuti nyaya yavo inzwikwe zvisina tsvete nemasangano aya, sezvo vatungamiri venyika dziri mumasangano aya vachitevera mitemo.