Accessibility links

Breaking News

Matambudziko eMari Akatarisana neChitungwiza Oramba Kupera?


Kanzuru yeChitungwiza inonzi ine hurongwe hwekumisazve vamwe vashandi mabasa
Kanzuru yeChitungwiza inonzi ine hurongwe hwekumisazve vamwe vashandi mabasa

Matambudziko emari akatarisana nekanzuru yeChitungwiza anonzi ari kure nekupera kunyange hazvo kanzuru iyi yakamisa vamwe vashandi mabasa.

Vane ruzivo nezviri kuitika mukanzuru iyi vanoti iri kunetsekana zvakare kuti ibhadhare vamwe vashandi vayakamisa mabasa pamwe nevakaenda pamudyandigere mari dzavo nezvimwe.

Vaive mutungamiri wesangano revashandi vekanzuru yeChitungwiza, VaEphraim Katsina, avo vakambomiswa basa pari zvino vachipomerwa mhosva yekufurira vamwe vashandi kupinda mukuramwa mabasa, vanoti pane vamwe vashandi vakamiswa mabasa mugore ra2012 vasati vapiwa mari dzavo.

VaKatsina vanoti mukutanga kwegore rino kanzuru yakamisa zvakare vamwe vashandi vanodarika zana mabasa asi vasere chete ndivo vati vapiwa dzimwe dzemari dzavo kusvika pari nhasi.

VaKatsina vanoti ndivo vari kumirira vashandi vose vari kumiswa mabasa ava munhaurirano dzavari kuita nekanzuru.

Meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, svondo rapera vakazivisa kuti kanzuru yavo ine hurongwa hwekumisa zvakare vamwe vashandi vanoda kusvika kumazana matanhatu mabasa sezvo isiri kukwanisa kuunganidza mari inokwana kuvabhadhara.

VaMutoti vakati dambudziko ndere kuti vagari havasi kukwanisa kubhadharawo mitero yavo paine nguva, izvo zviri kuita kuti kanzuru yavo ikundikane kuunganidza mari inoikwanira.

Studio 7 yaedza kubata VaMutoti asi nharembozha yavo yanga isingadairwi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG