Imwe nhengo yeMDC Alliance, VaTendai Biti, vanoti vanoshushikana nechinono chine Zimbabwe Electoral Commission mukuita basa rayo.
Motokari dzemapurisa dzinoshandiswa munguva yemvongamupopoto dzonekwa dzichifamba mukati meguta reHarare
Vechidiki veMDC Alliance vachitamba zvavo muHarare vakamirira kunzwa zvichabuda musarudzo.
Mapurisa achifamba akananga kuri kufarwa nevatsigiri veMDC Alliance
Vatsigiri veMDC Alliance vachifara muHarare vakamirira kunzwa zvabuda musarudzo
Vatsigiri veMDC-Alliance vachifara vari panze pemuzinda webato ravo muHarare
Vanhu vakawanda vanoti havana kugadzikana zvichitevera kuiswa kwaitwa motokari dzinoshandiswa nemapurisa mukudzivirira mhirizhonga
Nhengo yeMDC Alliance inoti yabva kuGoromonzi kuti izopemberera kukunda kweMDC Alliance musarudzo. Zimbabwe Electoral Commission haisati yaburitsa zvose zvakabuda musarudzo dzanezuro.
VaChamisa vavhota pachikoro ichi apo vanhu vanga vari mumitsetse vabva mumitsetse iyi vachimhanyira kuti vaone VaChamisa ndokuzodzokera havo kunovhota VaChamisa pavanga vaenda.
Vamwe madzimai vanoti vafumo bata jongwe murome kuti vano mirira kuvhota musarudzo dzavanoti dzakakosha. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Vachitaura nevatori venhau kumba kwavo kuBorrowdale muHarare kunozivikanwa nekuti Blue Roof nezuro, vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakati havasi kuzovhotera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutungamira Zanu PF parizvino
Vachitaura nevatsigiri vavo pamusangano waitirwa muChipadze Stadium muBindura, VaChamisa vati havasi kufara nekutyisidzirwa kuri kuitwa vatsigiri vavo nebato reZanu PF muMashonaland Central.
Zanu PF yasangana nevanotengesera mumigwagwa muHarare ikavavimbisa kuti havasi kuzovadzinga panzvimbo dzavanoshandira kana ichinge yakunda musarudzo.
VaSamuel Undenge, vatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu mushure mekubatwa nemhosva yekushandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo pavanonzi vakaita kuti imwe kambani yakange isingafanire kupuhwa basa nebazi ravo iite basa mubazi ravaitungamira.
Ongororo yaitwa neAfrobarometer inoti rutsigiro rweveruzhinji kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, rwuri kudzikira kana zvichienzaniswa neimwe ongororo yavakaita masvondo mashoma adarika.
Mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa vanoita musangano kuKadoma uko vange vari kutsvaga rutsigiro nhasi. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa vachitaura pamusangano wavo kuKadoma. Nyaya ina Thomas Chiripasi
Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati bato ravo rakabatana zvakasimba vakakurudzira kuti nhengo dzechimwe chikwata cheG40 dzavanoti dzichiri mumusangano wavo dzidzingwe.
Mutungamiri werimwe boka reMDC-T uye vari mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vakurudzira sangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC kuti ripindire pagakava riri muZimbabwe panyaya dzemafambisirwo esarudzo.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatsigiri veZanu PF muMbare, VaChiwenga vati vanhu vazhinji muMbare vari kugara vakamanikidzana mudzimba dzasakara uye dzisina mvura yakachena.
Rodhai zvimwe