Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokatyamadza Vakawanda neKuramba Kutsigira VaMnangagwa


VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe kumba kwavo kuBorowdale.Zimbabwe.
VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe kumba kwavo kuBorowdale.Zimbabwe.

Vachitaura nevatori venhau kumba kwavo kuBorrowdale muHarare kunozivikanwa nekuti Blue Roof nezuro, vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakati havasi kuzovhotera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutungamira Zanu PF parizvino.

Vachipindura padandemutande ravo reFacebook, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati zvave pachena kuti VaChamisa vaita chibvumirano naVaMugabe. Vati vanod shanduko vanofanira kuvhavhotera.

Asi vachitaura kuMiekles Hotel nezuro VaChamisa vakati VaMugabe vakasunngunuka kuvhotera wavanoda uye ivo nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe havasi kuzopihwa zvinzvimbo muhurumende yavo.

Vati VaMnangagwa nevamwe vakuru-vakuru vari kuvashungurudza vakati havazofe vakavhotera vanhu vakadai.

Pavakabvunzwa nevatori venhau kuti vachavhotera ani musarudzo dzamangwana, VaMugabe vakati havaone Amai Thokozani Khupe na Amai Joyce Mujuru vaine zvakawanda zvavanokwanisa kuita vachiti angosara chete pavanhu makumi maviri nevaviri vari kukwikwiodza ndiVaChamisa.

Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vati mashoko aVaMugabe anoratidza mafungiro ane veruzhinji munyika vachiti hapana chakaipa kuti VaMugabe vavhotere vaChamisa pasarudzo.

Pavabvunzwa nyaya yekunzi ndivo vaipa VaChamisa mari yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo, VaMugabe vatio mashoko aya haasi echokwadi vachiti havasati vambosangana naVaChamisa vachiti mutungamiri weMDC wavakapedzisira kusangana naye ndimushakabvu VaMorgan Tsvangirai.

Vaenderea mberi vachiti hurumende yavo yakanga isingabirire sarudzo vakati pavakangokundwa chete ndemuna 2008 pakahwinha VaTsvangirai sarudzo yekutanga yemutungamiri wenyika asi vasina kuwana mavhoti aikodzera kuti vavatorere matomhu.

VaMugabe vakurudzira anenge akunda musarudzo kuti aone kuti panyorwa bumbiro idzva remitemo rinokoshesa zvido zveveruzhinji. Vatiwo vari kushushikana nekupambwa kwaVaItai Dzamara kunyange hazvo vachiti vakanga vasingamuzive.

VaDzamara vakapambwa vachigerwa kuGlen View muno muHarare muna 2016 uye vaizikanwa zvikuru nenyaya yekuratidzira kwavaiita vachida kuti VaMugabe vasiye basa vachivapomera mhosva yekuondonga hupfumi hwenyika pamwe nekutyora kodzero dzevanhu. Kubva pakapambwa VaDzamara hapana anoziva kuti varipi kusvika parizvino.

VaMugabe vakasiya basa muna Mbudzi wegore rapera mushure mekupindira kwakaita mauto munyaya dzezvematongerwo enyika.

Kunyange hazvo VaMugabe vachiramba vakatsika madziro vachiti vakabviswa pachigaro zvisiri pamutemo, matare akatura mutongo wekuti kubviswa kwavakaitwa pachigaro kuri pamutemo sezvo ivo mbune vakazonyora tsamba kumutauriri wedare reparamende vachiti vainge vosiya basa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Zvichakadaro, munyori wezvemutemo muZanu-PF vari nhengo yePolitiburo VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti VaMugabe vave kungotaurawo semunhu mukuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro weMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa VaMorgan Komichi vanoti VaMugabe vane kodzero yekuvhotera wavanoda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG