Accessibility links

Breaking News

Ongororo Yoratidza Kuti Vanhu Vari Kutarisira Mutungamiri Anovawanisa Mabasa


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Ongororo yaitwa neAfrobarometer inoti rutsigiro rweveruzhinji kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, rwuri kudzikira kana zvichienzaniswa neimwe ongororo yavakaita masvondo mashoma adarika.

Vachizivisa zvakabuda muongororo yavo, mukuru anoona nezvekutsvakiridza musangano reMass Public Opinion Institute iro rakaita tsvagiriridzo iyi richishanda nesangano reAfrobarometer Institute of Justice and Reconciliation, VaStephen Ndoma, vati huwandu hwevanhu vakati vachavotera VaMnangagwa musarudzo dzemwedzi uno hwaderera kubva pakaitwa ongororo yekutanga.

Ongororo iyi inotiwo panyaya yevanhu vari kutarisira mukana wekuwana mabasa, vanhu vakawanda vanoti izvi zvinoitika chete kana mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vari ivo vari panyanga.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo uye vachiwanzotaura vakarere kubatika reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vati zvaburitswa neAfrobarometer zvinoratidza kuti VaMnangagwa vane rutsigiro kudarika mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vati zvakabuda muongororo yeAfrobarometer iyi zvinoratidza kuti sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru dzichapindwa rwepiri pakati paVaMnangagwa naVaChamisa.

VaNdoma vati ongororo yavo yakabiritsawo zvakare kuti ruzhinji rwuri kutyira kuti vari muchiuto havazotambire zviri zveveruzhinji mushure mesarudzo.

Vatiwo vakaona zvakare kuti vanhu vane chitsama havasi kuziva kuti magwaro anoratidza kuti munhu akanyoresa kuvhota haasi kuzoshandiswa musi wesarudzo uye vazhinji vakataurwa navo vakati vanotyawo mhirizhonga ine chekuita nesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG