Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voyambira Kudzinga Vatsigiri veG40 muZanu PF


Mnangagwa Gwanda Rally
Mnangagwa Gwanda Rally

Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati bato ravo rakabatana zvakasimba vakakurudzira kuti nhengo dzechimwe chikwata cheG40 dzavanoti dzichiri mumusangano wavo dzidzingwe.

Vachitaura nevatsigiri vavo kunhandare yeRimuka muKadoma, VaMnangagwa vati bato ravo rakabatana mazuvano kunyange hazvo vasina kutora nguva yakareba vasati vataura kuti muchine nhengo dzeG40 dziri mubato ravo idzo dzavati dzinofanira kudzingwa.

Mashoko aVaMnangagwa aya anopesana nemashoko avakataura svondo rapera apo pavakukurudzira nhengo dzeG40 dzakadzingwa mubato ravo kuti dzidzoke vashande pamwe chete.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaVivid Gwede, vati zvataurwa naVaMnangagwa hazvipindirane nemamiriro akaita bato ravo pari zvino.

Panyaya yesarudzo, VaMnangagwa vati bato ravo harina masimba ekuudza komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, Zec, zvekuita vachiti komisheni iyi inoshanda yakazvimirira.

Izvi zvinouyawo apo MDC Alliance ichiti haisi kufadzwa nemafambisiro ari kuita Zec basa pamberi pesarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG