Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vovimbisa Kuvakira Vanhu Dzimba Itsva muMbare


Mbare rally
Mbare rally

Mutevedzeri wemutungamiri weZanu PF, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti hurumende ine hurongwa hwekupwanya dzimba dziri muMbare muHarare yovaka dzimwe dzimba itsva kuitira kuti veruzhinji munzvimbo iyi vagare zvakanaka.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatsigiri veZanu PF muMbare, VaChiwenga vati vanhu vazhinji muMbare vari kugara vakamanikidzana mudzimba dzasakara uye dzisina mvura yakachena.

VaChiwenga vati hurumende ine hurongwa hwekuputsa dzimba idzi dzovakwa zvinoyevedza zvavati zvichaita kuti musha weMbare udadise kwete kuti uzivikanwe nenyaya yetsvina iyo yakakonzera zvirwere zvakaita sekorera ne typhoid.

Vadzokorodza zvakare nyaya yavo yekuti vagari vasabhadhare mari dzemitero kukanzuru vachipomera kanzuru mhosva yekutadza kufambisa basa zvakanaka.

VaChiwenga vati nekuda kwekuti kanzuru yeHarare, iyo inotungamirwa neMDC-T, iri kutadza kufambisa basa zvakanaka, ivo sehurumende vakatotora danho rekuti migwagwa igadziriswe nehurumende uye ichange isingashande nekanzuru mukugadzirisa migwagwa iyi.

Mutungamiri werimwe boka reMDC-T, VaNelson Chamisa, vakaudza vatsigiri vavo neChitatu kuti makanzuru avo ari kutadza kushanda zvakanaka nechikonzero chekuti hurumende iri kunyanya kupindira mufambisirwo anoitwa basa mumakanzuru anotungamirwa nebato ravo.

Zvichakadai, VaChiwenga vakurudzira vanhu vanga vari pamusangano uyu kuti vavhotere Zanu PF vachiti ndiyo yega inokwanisa kuita kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Vakurudzirawo vakahwinha nevakakundwa musarudzo dzema primary mubato ravo kuti vashande pamwe chete mukutsvaga rutsigiro vachiti makakatanwa evanhu ava ari kudzosera shure nyaya yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Zanu PF iri kumirirwa naVaTendai Savanhu musarudzo yemumiriri weMbare, ukuwo MDC-T ichimirirwa naMuzvare Pascalina Takaindisa, kusanganisirawo VaEveristo Taruvinga veNational Constitutional Assembly, VaFroday Muleya vePeople’s Rainbow Coalition na VaJohanne Kundiona veBuild Zimbabwe Alliance.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG