Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti SADC Ngaigadzirise Dambudziko Riri muZimbabwe Sarudzo Dzisati Dzaitwa


Chamisa presser
Chamisa presser

Mutungamiri werimwe boka reMDC-T uye vari mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vakurudzira sangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC kuti ripindire pagakava riri muZimbabwe panyaya dzemafambisirwo esarudzo.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House, VaChamisa vakurudzira SADC kuti iite musangano wechimbichimbi ichitarisa nyaya dzesarudzo dzemuno.

VaChamisa vati hurumende yeZimbabwe pamwe nekomisheni inoona nezvesarudzo vanofanira kuona kuti nyaya yemapepa ekuvhotera kana kuti ma ballot paper pamwe negwaro revavhoti zvagadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vaudza Studio 7 kuti SADC yatononoka kupindira munyaya yeZimbabwe kubva pakapindira masoja mune zvematongerwo enyika gore rapera zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa.

Kutaura kuno, MDC Alliance iri kuchemachemawo nemasoja anonzi ari muZimbabwe Electoral Commission, Zec.

VaChamisa vatiwo vari kuronga kuratidzira kana pasina chafamba kubva kudivi reSADC, Zec pamwe nehurumende. Vati vari kupa Zec svondo rimwe chete kuti igadzirise nhuna dzavo.

VaChamisa vati vachasvitsawo nhuna dzavo kune vaimbova munyori mukuru weUnited Nations, VaKoffi Annan, pamusangano wavakatarisira kuita navo muHarare neChishanu.

VaChamisa vatiwo havasi kufara nekusaziva kune pfimbi yemashoko evanhu vachavhota musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru vachiti zvakakosha kuti vari kukwikwidza musarudzo vazive zvese zvine chekuita nesarudzo.

Hatina kukwanisa kutaura nasaschigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi Amai Chigumba vakataura kare kuti hapana wavachazivisa pane pfimbi yemashoko iyi vachiti ivo sekomisheni ndivo voga vari kuziva kune sevha iyi iyo yavakachengeta sepfimbi yegudo.

Amai Chigumba vanoti zvese zvavari kuita sekomisheni zviri pamutemo nokudaro vanoti vari kutarisira kuti pachave nesarudzo dzakachena.

Asi VaChamisa vati Zec haina kumira pachokwadi vachiti Amai Chigumba vanofanira kutevedzera mhiko yavakatora pavakapinda basa yekuti vachaita basa ravo pasina divi ravakarerekera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG