Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, Vanovhota muKuwadzana


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vavhota neMuvhuro paKuwadzana 2 Primary School, vachivimbisa kukunda.

VaChamisa vavhota pachikoro ichi apo vanhu vanga vari mumitsetse vabva mumitsetse iyi vachimhanyira kuti vaone VaChamisa ndokuzodzokera havo kunovhota VaChamisa pavanga vaenda.

VaChamisa vataura nevatori venhau vasati vaenda, vakaudza vatori venhau kuti zviri kuitwa neZec zvekuti vakatyora mutemo zvinoratidza kuti Zec haizive mitemo yesarudzo.

Izvi zvinotevera mashoko aburitswa nasachigaro veZec, Amai Priscilla Chigumba, avo vati vaendesa mazita evatungamiri vaviri vavanofungidzira kuti vakatyora mutemo.

Zec haina kudoma mazita evatungamiri ava, asi mumwe mukuru anoona nezvesarudzo, VaUtoile Silaigwana, vakadoma zita raVaChamisa vachiti vakanga vatyora mutemo nekuita musangano nevatori venhau mukati memaawa makumi maviri nemana sarudzo dzisati dzaitwa.

Vamwe vevanhu vavhota muHarare ndiAmai Chenai Chikandira avo vanoti vafara zvikuru kuti vavhota vasina dambudziko ravasangana naro kunyange hazvo vamuka mambakwedza kuti vanovhota.

Sachigaro weMDCT yaVaChamisa, VaMorgan Komichi, vaudza Studio7 kuti vatambira mashoko ekuti vamwe vanga vachivhota vanga vachipihwa mapepa ekuvhotera akavhoterwa kare.

VaKomichi vatiwo pawanikwa imwe nzvimbo yekuvhotera isiri pamutemo pane rimwe purazi riri munharaunda yekwaSeke yanga ine vanhu vakapfeka mbatya dzekomisheni inowona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, Zec.

VaKomichi vatiwo Zanu PF yanga ichipawo chikafu kune mamwe maruwa ekuGokwe uye vati masabhuku gumi nemashanu anga akamirira bato reZanu PF kuGokwe kwakare sema polling agents.

Vamwe vatsigiri veMDC-T vati vachaenda kunzvimbo dzvavahotera pachapera kuvhotwa manheru ano kuti vadzivirire kubiririrwa kwesarudzo.

Vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vavhotawo nemhuri yavo paMhofu Primary kuHighfield zuva rorova nhongonya uye panga paine vakawanda vanga vakamirira kuona VaMugabe avo vasiri kunyanyoonekwa paruzhinji kubva zvavakabviswa pachigaro gore rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG