Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Gurukota reMhando dzeMoto, VaSamuel Undenge, Vakandwa Mujeri


SAMUEL-UNDENGE
SAMUEL-UNDENGE

Vaimbova gurukota remhando dzemoto, VaSamuel Undenge, vatongerwa kugara mujeri kwemakore mana mushure mekubatwa nemhosva yekushandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo pavanonzi vakaita kuti imwe kambani yakange isingafanire kupuhwa basa nebazi ravo iite basa mubazi ravaitungamira.

Mutongi wedare, VaHosea Majaya, vasendeka parutivi mwedzi gumi nemisere zvinoreva kuti VaUndenge vachapika mujeri kwemakore maviri nechidimbu.

VaUndenge vanonzi vakaita zvehuori apo vakabvumidza kambani yeZimbabwe Power Company kupa basa rekuita kukambani yaVaPsychology Maziwisa, nemumwe munhu anzi VaOscar Pambuka, vasina kuenda kutenda.

Zvinonzi VaUndenge vakabvumidza kuti kambani iyi ibhadharwe zviuru gumi nezviviri zvemadhora.

VaUndenge ndevamwe vemakurukota akakasara asina chekubata pakapindira mauto mune zvematongerwo enyika muna Mbudzi gore rapera zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa.

Izvi zvakaitika panguva iyo muZanu PF maive nemakakatanwa pakati pezvikwata zviviri zvinoti cheG40, icho chinonzi chaitungamirwa naAmai Grace Mugabe, necheTeam Lacoste icho chaitungamirwa naVaEmmerson Mnangagwagore rapera zvichitevera makakatanwa aiva muZanu PF pakati pechikwata cheG40 neTeam Lacoste.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG