Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yovimbisa Vanotengesa Mumigwagwa "Mutambara Kede" Kana Ikakunda

Oppah Muchinguri Minster of Women's Affairs
Oppah Muchinguri Minster of Women's Affairs

Zanu PF yasangana nevanotengesera mumigwagwa muHarare ikavavimbisa kuti havasi kuzovadzinga panzvimbo dzavanoshandira kana ichinge yakunda musarudzo.

Vanotengesera mumigwagwa vaudza hutungamiri hweZanu PF hwanga huchitungamirwa nasachigaro webato iri, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, kuti havasi kufara nekutorerwa zvinhu zvavanotengesa nevashandi vemakanzuru ari pasi peMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Mutungamiri wesangano reNational Vendors Union of Zimbabwe, VaSten Zvorwadza, avo vakabuda pachena kuti vave kutsigira Zanu PF, vati vanhu vane chitsama vanorarama nekutengesera mumigwagwa vave zvirema zvichitevera kukuvadzwa kwavanoti vakaitwa nemapurisa emakanzuru ari pasi peMDC-T.

Amai Muchinguri Kashiri, avo vataura vakamirira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, avo vanga vaenda kuSouth Africa, vati hurumende ichaumba komisheni ichaongorora makanzura ose anga ari pazvigaro kubva muna 2013 kusvika pari zvino.

Amai Muchinguri Kashiri vaenderera mberi vachiti hurumende ine hurongwa hwekuvaka nzvimbo dzekuengesera dzakanaka vachiti hapana munhu achadzingwa panzvimbo yaanenge achitengesera kana Zanu PF ikakunda musarudzo vachiti vachatanga vavaka nzvimbo dzokutengesera dzakanaka vasati vatanga kubvisa vanhu munzvimbo dzavari kutengesera.

Vanotengesera mumigwagwa vanogara vachinetsana nemapurisa emakanzuru ayo anenge achishanda pamwe chete nemapurisa enyika avo vanenge vachida kuti vanotengesera mumigwagwa ava vatengesere munzvimbo dzakatarwa nekanzuru.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaBlessing Vava, vati mashoko eZanu PF aya ndeekutsvaga rutsigiro chete pamberi pesarudzo asi bato iri rozoshungurudza vanhu kana sarudzo dzapera.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weMDCT, Amai Thabitha Khumalo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi mutevedzeri wemutungamiri webato iri, VaElias Mudzuri, vakaudza vanotengesera mumigwagwa mwedzi mishoma yadarika kuti bato ravo hariwirirane nekushungurudzwa kunoitwa vanotengesera mumigwagwa nemapurisa enyika kunyanya pamwe nemapurisa ekanzuru.

VaMudzuri vakati chinofanirwa kuitwa kugadzirisa hupfumi hwenyika kutanga kwete kuti mapurisa aswere achiita hwekiti negonzo nevanotengesera mumigwagwa vanenge vachitsvagawo raramo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG