Mutungamiri wesangano iri, Va Karikoga Kaseke, vanoti vari kutarisira nhumwa dzakawanda dzinobva kunyika dzikasiyana siyana.
Vatungamiri venyika dzemuafrica vapeta musangano wavo mujohannesburg South Africa vachiti vari kufara zvikuru nematanho avatora kugadzirisa matambudziko akasangana nenyika dzemuAfrica.
Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinoda kugadziriswa munyaya dzehutano sezvo zvinhu zviri kuramba zvichidzikira.
Sangano re Hoops For Hope iro rinoshanda nevechidiki vemunharaunda dzakasiyana siyana muHarare ne kwaMutare richivadzidzisa mutambo we Basketball rinoti veruzhinji munyika vakatarisira zvakanyanya zvichabuda pamakwikwi ekupedzisira emutambo weNational Basketball Association (NBA) achatanga neChina muno muaAmerica.
Chirongwa ichi chakatanga neMuvhuro svondo rapera, uye chichapera neChitatu svondo rino.
Dambudziko rechirwere chemanyoka rinonzi riri kuramba richikomba munyika zvichikonzerwa nekushaikwa kwemvura yekunwa yakachena munzvimbo dzakawanda.
Vana mukoti vari kuenderera mberi nekuramwa kushanda husiku vachiti vanoda kutanga vabhadharwa mari dzavari kuda.
Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti kuramwa kushanda husiku kwavana mukoti hakukurudzirwe sezvo kuchizokonzera kurasikirwa kwehupenyu kwevamwe varwere.
Sangano reWomen and Health Alliance International, WAHA, rabatana ne University of Zimbabwe muchirongwa chekubatsira vasikana nemadzimai vakatarisana nedambudziko rekutsemuka zvakanyanya munguva yekubatsirwa.
Mumwe muimbi ane mukurumbira, Doctor Tawanda Benson wekubBtswana, anoti vaimbi navananyanduri vane basa rekubatsira kurwisa zvakaipa sezviri kuitika zvakadai muSouth Africa.
Sangano reOperation of Hope richange riri munyika muana Chivabvu apo rinenge richiopareta pachena vana vadiki vakaremara miromo nedzimwe nhengo dzekumeso.
Mhirhonga iyi iri kukonzerwa nezvizvarwa zvemuSouth Africa zviri kuti vekune dzimwe nyika vari kutora mabasa avo, nokudaro ngavadzokere kunyika dzavo.
Nyanzvi yezvirwere zvepfungwa mubazi rezvehutano, Dr Sekayi Nyiwatiwa, vanoti dambudziko rezvirwere zvepfungwa zvinokonzerwa nezvakasangana nemunhu muhondo kana kuti mutsaona, Post Traumatic Stress Disaorder, PTSD, zviri kuwanda munyika.
Imwe nyanzvi yechirwere chegomarara inokurudzira veruzhinji vabvezera kuti vaenda kunovhenekwa kuitira kuti vawane rubatsiro pachiri nenguva.
Vanhu vazhinji vanogara kumaruva vanoti vari kunonga svosve nemuromo sezvo dhora riri kunesta kubatika nekuwondomoko kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika.
Sangano re Women and Health Alliance International, WAHA, riri kubatana ne University Of Zimbabwe muchirongwa chekubatsira vasikana nemadzimai vane dambudziko rekutsemuka dundiro zvichitevera kubatsirwa kana kuti kusununguka.
.Musangano we Beijing Conference wakabuda nezvisungo zvayifanirwa kuzadziswa asi dzihurumende dzakawanda pasi rose dziri kukundikana kuzadzisa zvisungo izvi.
Imwe mhuri yekuMbare yakabatsirwa nevana vana mwedzi gumi yapfuura, asi ikaramba iri muchipara che Harare Hospital, yabudiswa neChitatu zvichitevera kuwana pekugara.
Mukuru we kambani yeHarvest Fresh Africa, VaSimba Mhungu, vanoti kunyange hazvo zvinhu zvakawoma munyika, ino ndiyo nguva yekutanga mabhizimisi makuru muZimbabwe.
Zvimwe zvizvarwe zveZimbabwe zvinoti kunyangwe hazvo zvinhu zvakawoma munyika parizvino shuwiro yavo ndeyekudzokera kune rukuvhute.
Rodhai zvimwe