Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vana Mukoti Voramba Kushanda Husiku.


Sangano reZimbabwe Nurses Association rinoti vana mukoti vemumaguta eHarare, Chinhoyi neChitungwiza vari kuenderera mberi nekuramwa basa rekushanda husiku senzira yekuratidza kusafara kwavo nemari yemihoro yavari kutambiriswa.

Sachigaro vesangano rinomirira Harare Province, Va Enock Dongo, vanoti vari mubishi rekuzeya neHealth Services Board kuitira kuti vawone kuti nyaya iyi ingagadiriswa seyi kuitira kuti vanamukoti vadzokere pabasa.

Vanamukoti vakatanga kuramwa basa svondo rapera neChishanu.

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti kuramwa kushanda husiku kwavana mukoti hakukurudzirwe sezvo kuchizokonzera kurasikirwa kwehupenyu kwevamwe varwere.

Dr Parirenyatwa vakurudzira vanamukoti kuti vadzokere kumabasa asi vachienderera mberi nehurukuro dzavo ne Health Services Board.

Dr Parirenyatwa vaenderera mberi vachiti zviri kuitwa navanamukoti izvi hazvienderane nemhiko dzavakatora pavakadzidzira basa ravo.

Asi Va Dongo vaudza Studio7 kuti vanamukoti vatora danho iri mushure mekunge vavimbiswa makore mashanu apera kuti zvinhu zvichagadziriswa asi pasina zvange zvichiitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG