Accessibility links

Breaking News

Gomarara reMuhura Hukuru Ronetsa muZimbabwe


Imwe nyanzvi yechirwere chegomarara rehura hukuru inokurudzira veruzhinji vabve zera kuti vaende kunovhenekwa kuitira kuti vawane rubatsiro pachiri nenguva.

Nyanzvi yezvegomarara iri uye vachishanda mubazi rezvehutano, Doctor Bernadette Ndoro, vanoti dambudziko iri riri kunyanya kuwanikwa muvanhu vadarika makore makumi mashanu.

Asi vanoti dzimwe nguva chirwere ichi chinobatawo rinobata vanhu vane makore ari pasi pemakore makumi mashanu.

Dr Ndoro vanoti zvakakosha kuti vanhu vaende kunowongororwa pachiri nenguva kuitira kuti vawane rubatsiro chirwere ichi chisati chakomba.

Doctor Ndoro vanoti vanhu vanofanirwa kudzokera kuchikafu chechinyakare sezvo zvekudya zvakatsetseka zviri zvimwe zviri kukonzera huwandu hwechirwere ichi.

Doctor Ndoro vanoti chirwere ichi chikabatwa pachiri nenguva chinokwanisa kurapwa nenzvira dzakasiyana siyana.

Doctor Ndoro vanoti pari zvino hurumende nemamwe masangano anorwisa gomarara vari kuyedza kudzidzisa veruzhinji kukosha kwakaita kuvhenekwa gomarara iri nguva dzose.

Doctor Ndoro vanoti veruzhinji havasati vanyanya kuziva nezvegomarara iri asi shuwiro yavo ndeyekuti ruzivo urwu rwuwande kuitira kuti avo vanenge vawanikwa vainaro vatange kurapwa nguva ichiripo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG