Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinoda kugadziriswa munyaya dzehutano sezvo zvinhu zviri kuramba zvichidzikira.
Dr Madzorera vanoti nekuondomoka kuri kuita zvinhu munyika, maririro akaita zvehutano ari kurambawo achidzikira uye dzimwe hurumende dzaimbobatsira nyika dzava kuenda dzichineta nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitwa nehurumende.
VaMadzorera vanoti kunyange pane dzimwe hurumende dzichiri kubatsira munyaya dzehutano, nekupindana kwenguva, izvi zvinokwanisa kuderera kana pasina zvagadziriswa nechimbi chimbi.
Studio7 yakundikana kubata gurukoto rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, kuti tinzwe divi ravo.
Dr Madzorera vanoti pane zvimwe zvirongwa zviri kubudirira zvakanaka nepamusana perubatsiro huri kupihwa nyika.
Zvimwe zvezvirongwa izvi zviri kuitwa pasi perubatsiro hurukupihwa nyika ne European Union pasi pechirongwa che Health Transition Fund, pamwe nerumwe rubatsiro rwurikupihwa ne America mukurwisa hutachiwona hweHIV/AIDS.
Dr Madzorera vanoti imwe nyaya iri kunetsa ndeyekuti hapana homwe inobatsira varwere kana vachida kurapwa sezvo nyika yakatarisana nedambudziko rekushaya mari izvo zviri kuita kuti zvirongwa zvekubatsira varwere zvisabudirire.
Dr Madzorera vanoti kana zvinhu zvikaramba zvichiwondomoka munyika, zvipatara nemakiriniki ndizvo zvinonyanya kubatikana zvozokonzera kuti vanhu vanofanirwa kunge vachiwana rubatsiro munzvimbo idzi, vasaruwane uye vatadze kuzoenda kumabasa nekurwara.