WASHINGTON —
Sangano re Zimbabwe Tourism Authority rinoti musangano waro wepa gore we Sanganai/Hlanganani World Tourism Expo uchatanga muHarare neChina.
Musangano uyu iri kuiitirwa kuHarare Conference Center uye unopera neMugovera.
Mutungamiri wesangano iri, Va Karikoga Kaseke, vanoti vari kutarisira nhumwa dzakawanda dzinobva kunyika dzikasiyana siyana.
VaKaseke vanoti musangano wavo unosimboitwa muna Gumiguru, asi gore rino uri kuitwa mwedzi uno mushure mechikumbiro chakabva kuvanhu vakapinda musangano wavo gore rapera.
Musangano wegore rino uri kuitwa pasi pedingindira rekuti “Promoting Peace Through Tourism”.