Accessibility links

Breaking News

Madzimai neVasikana Vane Chirwere cheKutsemuka Dundiro Vowana Rubatsiro Pachena


Sangano re Women and Health Alliance International, WAHA, riri kubatana ne University of Zimbabwe muchirongwa chekubatsira vasikana nemadzimai vane dambudziko rekutsemuka dundiro zvichitevera kubatsirwa kana kuti kusununguka.

Murongi wezvirongwa zve Obstetric Fistula Campaign musangano re WAHA, Muzvare Priscilla Mabhande, vanoti chironga ichi chichange chichiitirwa kuchipatara che Parirenyatwa mwedzi unouya uye madzimai achabatsirwa pachena.

Muzvare Mabhande vanoti madzimai anotarisana nedambudziko iri anokwanisa kuwanikwa ichizviira weti kana tsvina asinga kwanise kuzvimisa mushure mekunge azvara okanganisika pahudzimai hwake.

Dambudziko iri rinonzi riri kunyanya kutarisana nevasikana vechidiki vanoroorwa voita vana vasati vabva zera, nemamwewo madzimai.

Muzvare Mabhande vanoti vanoda kunwa nezvechirongwa chavo chemwedzi unouya vanokwanisa kutumira maWhats'App messages panhamba dzinoti: 782 640 840 kana kuti panhamba dzinoti 779 626 506 vokumbira kutaura na Fortunate.

Muzvare Mabhande vanoti zvakakosha kuti madzimai kana avo vanoziva kuti vane mumwe wavo ane dambudziko rakadayi vafone kana kutumira mashoko ekuti vafonerwe kuitira kuti vazeya nenyanzvi pamusoro pedambudziko ravo.

Madzimai anenge awanikwa ane dambudziko iri vanobatsirwa nemari yekufambisa nepekugara muHarare uye nekurapwa zvese sezvo zvichitora nguva inodarika masvondo matatu kuti varapwe.

Muzvare Mabhande vanoti kazhinji kacho madzimai anenge akwanisa kupinda muchirongwa chavo anovhiyiwa navana chiremba kuti vagadzirise dambudziko iri.

Vanoti mune dzimwe nzvimbo madzimai ane dambudziko iri vanosemwa kana vakaroorwa vanokwanisa kurambwa nemurume sezvo zvinenge zvisisaite kuti vakwanise kuita mumwe mwana kusvika dambudziko ravo ragadziriswa.

Muzvare Mabhande vanoti vakatarisira kubatsira madzimai akawanda asi zviri kune avo vane dambudziko iri kuti vabude pachena kuti vawane rubatsiro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG