Imwe mhuri yekuMbare yakabatsirwa nevana vana mwedzi gumi yapfuura, asi ikaramba iri muchipara che Harare Hospital, yabudiswa neChitatu zvichitevera kuwana pekugara.
Mhuri iyi ichange ichigara kuWaterfalls apo imba yayo ichange ichivakwa kuStone Ridge
Mhuri yekwaMutasa yakabatsirwa nezviuru zvishanu zvemadhora nesangano re Wezhira Ndione Trust, ukuwo sitendi yekuvakira imba yakawanikwa kuburikidza nebazi rezvedzimba.
Vana vakaberekwa pamwe chete ava vanonzi; Charmaine, Charnell, Chantell na Charlene. Mhuri iyi ine mumwe mwanakomana, zvinoita kuti vana vayo vose vave vashanu.
Amai vevana ava, Amai Alice Mutasa, vanoti zvanyanya kuvafadza ndezvekuti vakwanisa kubatanidza vana vavo vose sezvo mumwe mwana wavo mukomana ange achigara nababa vake, ivo amai nevamwe vanasikana vana vari muchipatara.