Dambudziko rechirwere chemanyoka rinonzi riri kuramba richikomba munyika zvichikonzerwa nekushaikwa kwemvura yekunwa yakachena munzvimbo dzakawanda.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vanosvika gumi nevaviri vakashaya mushure mekurwara nezvirwere zvemanyoka mavhiki maviri apfura uye huwandu hwevanhu vafa kubva mukutanga kwegore hwasvika pamazana makumi masere nevatatu.
Vanhu vakashaya nekuda kwechirwere chemanyoka ichi mumavhiki apfura vaibva kunzvimbo dzinoti Tsholotsho, Umguza District,Matebeleland North Province, Shurungwi district kuMidlands, Chegutu district, Mashonaland West Umzingwane district in Matebeleland South nechipatara cheParirenyatwa.
Nzvimbo dziri kunyanya kubatwa nezvirwere zvemanyoka dzinosanganisira Mashonald Central neManicaland.
Bazi rezvehutano rinoti vazhinji varikufa nechirwere ichi vacheche vane makore .
Mukuru anoona nezvezvirwere zvekutapuriranwa mubazi rezvehutano Dr Portia Manangazira vakurudzira i vanhu kuti varambe vachifashaidza mvura yekunwa vasati vaishandisa,